Uncategorized

Gomarara neCovid-19

23 Nov, 2020 - 00:11 0 Views
Gomarara neCovid-19

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VERUZHINJI vari kukurudzirwa kuti vavhenekwe zvimwe zvirwere zvinodyidzana neCovid-19 segomarara nemalaria nechinangwa chekuti varapwe denda risati radingindira mumuviri.

Kurudziro iyi yakaitwa naMichelle Madzudzo, uyo anova murapi wegomarara (radiotherapist) kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals ari zvekare mutungamiriri wesangano reTalk Cancer Zimbabwe pamusangano wakaitwa kuMacheke svondo rapera nechinangwa chekuona kuti Zimbabwe inobudirira here mukurwisa HIV panosvika gore ra2030.

“Munhu ane gomarara anoita zviratidzo zvakaita sekupera simba, kukosora nekudziya muviri zvinova zvimwe zvakangofanana nezvinowanikwa kuvarwere veCovid-19. Saka zvakakosha kuti vanhu vavhenekwe zvirwere zvose kuitira kuti varapwe nenguva,” anodaro.

Anoti kuuya kweCovid-19 kwava kuita kuti vamwe vanhu vafuratire zvirwere zvine njodzi segomarara, malaria nerurindi.

“Munhu ane zvimwe zvirwere izvi ari nyore kubatwa neCovid-19 nekuti masoja emuviri wake anenge agara akaneta zvekuti haazokwanisi kukurumidza kurwisa zvirwere zvinonyuka mumuviri make. Kuvhenekwa nekutora mishonga nenguva kwakakosha kuti muviri ukwanise kurwisa denda,” anodaro Madzudzo.

Anoenderera mberi achiti, “Kunyuka kweCovid-19 kwadzorera zvirongwa zvedu kumashure sezvo vamwe varwere vaitadza kuuya kuzvipatara zvichitevera nyaya dzekurambidzwa kufamba munguva yelockdown uye mimwe michina yekupisa gomarara yakasakara apo mimwe yacho haichashanda zvachose.”

Anoti kune mhando dzemagomarara dzinosvika 200 dzinosanganisira gomarara remuura (oesophagus), remuzamu, reduriro (prostate) nereganda (kaposi sarcoma) iro rinowanza kubata vanhu vanorarama nehutachiona hweHIV.

“Hatisati tambowana munhu anouya kuzorapwa gomarara richiri padanho rekutanga nekuti vanhu vanotya kuvhenekwa nguva ichiripo nekudaro vanorera chirwere vazouya chisisarapike. Kune zvinhu zvakawanda zvinokonzera kunyuka kwegomarara sekufamba kunoita chirwere mumhuri (genetic), kuputa fodya, mhando yechikafu chinodyiwa nekuwandirwa nezuva (UV light) pakati pezvimwe,” anodaro.

Zviratidzo zvegomarara neCovid-19 zvinosanganisira kukosora kwakanyanya nekupisa kwemuviri kunodarika 38 degrees celsius, kupera simba uye kuzarirwa. Vanenge vaita fungidziro yechirwere ichi vanokurudzirwa kuchaya nhare dzinoti 2019 kuti vabatsirwe nekukasika.

 

Share This:

Sponsored Links