Gomarara redundiro rinorapika

22 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Gomarara redundiro rinorapika

Kwayedza

Lovemore Makurirofa —
SVONDO rino kubva nomusi wa18 kusvika 23 Gunyana ivhiki rekucherechedza chirwere chegomarara redundiro.

MuZimbabwe, chikamu che81 percent chechirwere chegomarara chiri kuzoonekwa papera nguva ndefu zvinova zvinoderedza mikana yekuti munhu ange achirapwa pamwe nekukonzera kudhura kwakanyanya kwekurapwa kwegomarara iroro.

Nyaya dzechivanhu kana kuti tsika nemagariro zvinoderedza mikana yekuti varume vange vachikasika kubuda pachena maringe nedambudziko rinenge riri kuvanetsa.

Vanhurume vanozvishingisa kunyangwe vachinetswa nemarwadzo nekuti zvinonzi murume chaiye haarwadziwi.

Zvido zvemhuri zvinoiswa pamberi apo matambudziko anotarisana nevanhurume achizotevera kumashure.

Vamwe varume vane katsika kekusateerera marwadzo emiviri yavo uye vanoshingirira kusvikira chirwere chadingindira mumuviri vave kuda rubatsiro rwechimbi-chimbi.

Izvi zvinoitika zvakare kunyangwe kana vachinge vabatwa nezvirwere zvinobata nhengo dzavo dzakavandika zvakadai segomarara. Dzimwe dzenyaya dzeutano idzi dzinoita kuti vange vachinyara nekuti zvinenge zvichinzi zvabva mukuita gumbo mumba gumbo kunze kana mune zvimwe zvinhu zvisina hunhu.

Utano hwevarume kana hukange husina kumira zvakanaka hunokanganisa zvakare utano hwemadzimai avo saka zvakakosha kuti varume nevakadzi vange vachiwaniswa ruzivo maringe nenyaya dzeutano vari pamwe chete.

Vanhurume vemuZimbabwe vave kuona kukosha kwekuvhenekwa zvirwere zvakasiyana nekukasika.

Sangano reCancer Association of Zimbabwe rakatangisa chirongwa chekuvheneka gomarara redundiro muna Chikumi gore rino uye vanhurume vanodarika 500 vakavhenekwa mumwedzi mumwe chete. Izvi zvakaratidza kuti pane shanduko huru maringe nekuwaniswa kweruzivo kuvanhurume sezvo vava nechido chekuziva pavamire maringe neutano hwavo.

Mhando dzemakomarara anonyanya kubata vanhurume anobata nhengo dzavo dzesikarudzi. Pane dzimwe nguva gomarara iri rinozokura nekuda kwekunonoka kurapwa uye zvinogona kuzokonzera kurasikirwa nembereko kana mitezo yemuviri.

Vanhurume vanofanira kuchengetdza utano hwavo sezvinongoitawo madzimai kuti vakasike kurapwa.

Gomarara redundiro:

Mhando yegomarara iri inokanganisa tsinga dzedundiro (prostate gland). MuZimbabwe gomarara redundiro rakaonekwa riri pachikamu che23.1 percent chemakomarara matsva muna 2014, rikakonzera ndufu dzine chikamu che9 percent mugore rimwe chete iri.

Gomarara redundiro rinonyanya kubata vanhurume vane makore 50 zvichienda mberi. Dundiro rinobudisa mvura ine chikamu che20-30 percent. Hakuna anoziva zvinokonzera gomarara iri zvisinei nekuti vamwe vanhu vanofungira kuti rinokonzerwa nekudya chikafu kana nyama ine mafuta akawanda uye mukaka.

Kudya kwakadai semiriwo yemashizha kunoonekwa kwakakosha mukusimudzira utano.

Chirwere chegomarara kana chichinge chichangotanga chinenge chisina zviratidzo asi kana chakomba chinogona kuva nezviratidzo zvinotevera:

  • Kunetseka kurasa mvura
  •  Kunonoka kubuda kweweti
  • Kumira nekutanga kubuda kweweti
  •  Kubuda weti pashoma-pashoma
  •  Kuita weti ine ropa
  • Kurwadziwa nemusana uchinge wakaomarara

Zvakakosha kuti kana uchinge wasangana nezviratidzo zviri pamusoro ukasike kuona chiremba.

Kuvhenekwa kwegomarara redundiro:

Vanhurume vose vane makore anodarika 50 vanokurudzirwa kuenda kunovhenekwa gomarara pagore. Nzira dziripo dzekuvheneka gomarara iri dzinosanganisira: Digital Rectal Examination (DRE) neProstate Specific Antigen Tests (PSA). Ongororo dzese idzi dzinoitwa nemachiremba akafundira basa. Gomarara redundiro kazhinji harina zviratidzo zviri pachena saka zvakakosha kuti vanhu vanovhenekwa nguva ichiripo.

Sangano reCancer Association of Zimbabwe Clinic riri kuita basa rekuvheneka gomarara uye unogona zvakare kubatsirwa nemachiremba ari pedyo newe.

  • Lovemore Makurirofa anoshandira sangano reCancer Association of Zimbabwe.

 

Share This:

Sponsored Links