Gomarara redundiro rocherechedzwa

22 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Gomarara redundiro rocherechedzwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
SANGANO reAssociation of Urological Surgeons of Zimbabwe rakatara mazuva ekubvira musi wa18 kusvika 23 mwedzi uno (Gunyana) semazuva makuru akakosha ekucherechedza varwere vegomarara redundiro.

Mumazuva aya — eProstate Cancer Awareness Week — veruzhinji vanenge vachifundiswa maringe nezvegomarara redundiro sekuti rinokonzerwa nei, dziviriro, kuvhenekwa uye kuti rinorapwa sei.

Mukuru wesangano iri, Dr John Mangwiro, vanoti vachawanisa zvidzidzo zvakasiyana maringe negomarara redundiro kuvanhurume kusanganisira kuti rine hudzamhu hwakadii munyika muno.

“Gomarara redundiro riri panhamba yechipiri pane dzimwe mhando dzemakomarara idzo dzinobata vanhurume kunyanya uye riri kubata kunyangwe vechidiki nokudaro zvakaonekwa zvakakosha kuti veruzhinji vawaniswe ruzivo uye kuti vakasike kuvhenekwa nekurapwa,” vanodaro Dr Mangwiro.

Zvakadai, kuchange kuine zvidzidzo zvichaitwa paMeikles Hotel, muHarare kubva na5:30pm na6:00pm mumazuva anotevera.

Nomusi wa20 Gunyana 2017 – Kunoitwa musangano wevakuru vari mumabhizimusi (business executives).

Nomusi wa21 Gunyana 2017 —Musangano uyu unopindwa neveruzhinji.

Nomusi wa22 Gunyana 2017 —Veruzhinji vanenge vachiwaniswa mukana wekubvunza nekuita hurukuro (Public Interractive Lecture).

Vatungamiriri vemaindasitiri nevakuru vemabhizimusi vari kukokwa kumusangano uyu kuzopangana mazano.

Mukushi wemashoko kukambani yeZimpapers, Beatrice Tonhodzayi, anoti kambani yavo yava nemakore mazhinji ichishanda neveruzhinji mukurwisa chirwere chegomarara munyika kuburikidza nekukusha mashoko echenjedzo.

“Kambani yeZimpapers ine mapepanhau akawanda zvikuru uye nhepfenyuro idzo tinoshandisa mukukusha mashoko echenjedzo maringe nechirwere chegomarara. Svondo rino, tichange tichishanda pamwe nevatori nenhau uye vapepeti vemapepanhau nevenhepfenyuro kuti tione kuti mashoko asvika kuvanhu. Takaona kuti vanhu vazhinji vari kurarama vari murima vasingazive kuti vane gomarara nekuda kwekushaya ruzivo maringe nezvikonzero, zviratidzo kana kuti vanonovhenekwa uye kurapwa kupi saka tiripo pakutsigira,” anodaro.

Tonhodzayi anoti Zimpapers yakanyorerana chibvumirano chemushandirapamwe pasi nesangano reIsland Hospice chekurwisa chirwere chegomarara munyika.

“Veruzhinji vari kukundikana kukasika kuongororwa gomarara kana kurapwa nekuda kwekushomeka kwezvipatara zvinorapa gomarara uye kudhura kwekurapwa. SeZimpapers, tichange tichiita mabasa etsitsi kuti tibatsire vanotambudzwa negomarara. Tichaita ‘Cancer Walk’ mumwedzi waGumiguru naMbudzi uye mari yatichaunganidza ichaenda kunobatsira varwere vegomarara kuburikidza nesangano reIsland Hospice,” anodaro.

Anoti vakuru vemakambani aka- zvimirira nevamwe vari kutambudzwa negomarara vanokurudzirwa kupinda muchirongwa ichi.

Share This:

Sponsored Links