Uncategorized

Gomarara: Zimpapers yakatora mubairo

30 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Gomarara: Zimpapers yakatora mubairo Muzvare Tonhodzayi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
KAMBANI huru munyaya dzezvenhau munyika muno, yeZimpapers, iri kupembedzwa nekuita basa guru rekurwisa chirwere chegomarara kuburikidza nekupihwa kwayakaita mubairo mukuru weBest Social Responsible Organisation of the Year 2018.

Zimpapers yakagashidzwa mubairo uyu kuMegafest Business Awards achangobva kuitwa.

Mubairo uyu wauya panguva iyo Zimpapers ichangobva kuita chirongwa chekurwisa chirwere chegomarara, cheZimpapers Cancer Power Walk, muHarare, kuBulawayo nekwaMutare musi wa3Mbudzi.

Kunyangwe zvazvo chirongwa ichi chiripo pakukusha mashoko pamusoro pegomarara, chinopa zvakare mukana wekuti pange pachiunganidzwa mari yekuyamura varwere vari kutambudzwa negomarara avo vanobatsirwa nesangano reIsland Hospice and Healthcare.

Gore rapera, Zimpapers yakapa $10 000 kuIsland Hospice kuti ibatsirikane muzvirongwa zvayo. Vanhu vanodarika 2 000 vakapinda muchirongwa ichi gore rino icho chaisanganisira kufamba kwemakiromita mashanu uye mitambo yeZumba.

Veruzhinji vakawaniswawo mukana wekuvhenekwa zvirwere zvakaita secheshuga, Bp, gomarara remuzamu, kupangwa mazano nekuvhenekwa HIV pakati pezvimwe.

Achitenda mubairo uyu, mukushi wemashoko kukambani yeZimpapers, Muzvare Beatrice Tonhodzayi, anoti ndewemunhu wose muZimbabwe sezvo chirwere chegomarara chichigona kubata munhu upi zvake.

“Ndinoti mubairo uyu ndewechizvarwa chose chemuZimbabwe – varume, vakadzi nevana vakazvipira kupinda muchirongwa chekufora vachirwisa gomarara uye neavo vari kurangarira hama dzavo idzo dzakatisiya nekuda kwechirwere ichi nevari kurarama negomarara. Chirwere chegomarara chinotibata nenzira dzakasiyana nokudaro chinoda mukomberanwa pakuchirwisa,” anodaro.

Chirwere ichi chawanda muZimbabwe uye chakaonekwa kuti ndicho chiri pamberi mukukonzera ndufu, zvikuru gomarara remuchibereko neremuzamu richiteverwa neKarposi Sarcoma kozotevera gomarara reduriro zvichibva paongororo yakaitwa nesangano reCancer Registry.

Muzvare Tonhodzayi anopembedza veMegafest nekucherechedza kwavakaita mabasa makukutu ari kuitwa neZimpapers mukusimudzira utano hwevanhu.

Anoti Zimpapers yakatanga kupinda muzvirongwa zvekurwisa gomarara uye kubatsira vanotambura mugore ra2016 senzira yekudzorera kunharaunda dzainoshandira.

Chirongwa cheCancer Power Walk chegore rino chakatsigirwa nemasangano uye makambani anosanganisira Homelink Finance, FBC Bank, Megafest Holdings, Cimas, Medirite Healthcare, Beta Holdings, First Mutual Health, Corporate24 Hospital Group, TangandaTea-Tingamira, Manicaland Motoring Club, Ngoda Granites neZimbabwe National Family Planning Council.

Share This:

Sponsored Links