Gore rino nderangu: Muroti

16 Mar, 2023 - 09:03 0 Views
Gore rino nderangu: Muroti Blessing 'Muroti' Gomo

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI—Blessing “Muroti” Gomo — otsidza kuti gore rino hakuna mumwe achabika vhidhiyo rakanaka serake iro anotarisira kubura mumasvondo mashoma anotevera.

Muroti achangobva kubura kambo kanonzi Todyiwa Mari ako kari kupisa zvakanyanya uye achatsikisa vhidhiyo racho mumasvondo anotevera.

Anoti gore rino hakuna mumwe muimbi achabura vhidhiyo rakanaka kudarika rekambo kake aka.

“Muimbi kuti mhanzi yako isvike kuvanhu mazuva ano unofanirwa kubika mavhidhiyo akanakisa anokwezva vatsigiri kuti vatange kukutevera.

“Ini vhidhiyo rangu idzva riri kubuda manje-manje, ndinobheja kuti hakuna mumwe muimbi achabika vhidhiyo rakanaka kuridarika uye ndiro richahwina mubairo weVideo of the Year panopera gore.

“Hakusi kuti ndiri kuzvirova dundundu, kwete, asi kusunda vamwe vaimbi kuti vateverawo matsimba akanaka vabikewo mhanzi uye mavhidhiyo anoyemurika kuvatsigiri,” anodaro.

Blessing ‘Muroti’ Gomo

Anoti muimbi haafanirwe kuneta kubura mhanzi itsva sezvo vatsigiri vachigara vachitarisira zvitsva vachida kufara.

“Mhanzi haifanire kumira kubikwa, semuimbi unofanira kubura zvitsva nguva nenguva kuti vatsigiri vagare vachifara vachiwana chinovavaraidza.

“Ukagara gore usina kubika zvitsva, unopedzisira wakanganikwa. Saka gara uchibika zvitsva asi iri mhanzi ine zvainodzidzisa kwete kungonzi wangobura mhanzi isina dzidziso kana zvainoreva,” anodaro Muroti.

Muimbi uyu anonyanya kuzivikanwa nenziyo dzakaita mukurumbira dzinosanganisira Baba VaJatiwero, Check My Records, Muroti Wauya naMukombe Wezodzo.

Gore radarika, akabura madambarefu maviri anoti Delayed Match rechitendero uye Mugodhi Netsime reSungura.

Share This:

Sponsored Links