Grade 2D yaenda neChubuku

03 Oct, 2022 - 17:10 0 Views
Grade 2D yaenda neChubuku Chikwata cheGrade 2D

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KWAKANGA kusingadanwi anonzwa kumakwikwi eChibuku Road to Fame National Final nemusi weMugovera kuGlamis Arena muHarare uko chikwata cheGrade 2D chekuMashonaland West chakaenda nemukombe.

Makwikwi aya akarongwa nekambani huru inogadzira nekutengesa zvinwiwa yeDelta Corporation.

Muzvare Patricia Murambinda vanova mukushi wemashoko mukambani iyi vanoti vanofara zvikuru nekubudirira kwakaita makwikwi evaimbi aya.

“Makwikwi aya akakosha zvikuru muupenyu nekuti anobatsira mukuumbiridza zvipo zvevaimbi, isu tichivatsigirawo.

Mumakore maviri adarika, tainge takamboamisa nekuda kwechirwere cheCovid-19 asi iko zvino kuburikidza nekunyevenutswa kwakaitwa zvimwe zvisungo zvainge zvaunzwa nekuda kwechirwere ichi, takabudirira kuunganidza vanhu.

“Chibuku Road to Fame National Final inoita kuti tidzorere kunharaunda dzinotsigirana nesu mumabhizimusi, zvikuru vaya vari munyaya dzemitambo nemimhanzi vanonwa zvinwiwa zvedu zvakasiyana-siyana, kusanganisira Chibuku apo vanoita mashoo avo pakati pezvimwe zvirongwa,” vanodaro.

Tocky Vibes achiimba

Muzvare Murambinda vanoti makwikwi aya akaitwa panguva imwe chete kambani yavo iri kupemberera kusvitsa makore 60 kubvira pakatanga kugadzirwa Chibuku.

Vaimbi vakatandadza vanhu pamakwikwi aya vanosanganisira Winky D, Baba Harare, Ex Q, Tocky Vibes naMark Ngwazi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey