Grade 7: Bvunzo itsva kutanga 2021

03 Mar, 2020 - 12:03 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga

Gore rino ndiro richapedzisira kunyorwa bvunzo dzegwaro rechinomwe kuchitevedzerwa zvaichiitwa kare kusati kwava nemusambo mutsva uyo wave kunzi “competency-based curriculum”. Vana vari mugwaro rechinomwe gore rino ndivo vekupedzisira kunyora zvidzidzo izvi zvekare zviri zvishanu zvinoti masvomhu, Shona, chirungu, zvekurima uye musanganiswa wezvidzidzo zvesaenzi, zvebhaibheri nekugarisana.

Zvinoreva kuti bvunzo ravo rakati rerukei uye rinoendeka tichitarisa zvitsva zvava kuuya.

Hurumende yakaona zvakakodzera kuti dzidzo yemuZimbabwe ivandudzwe kubva mukungoita zvamabhuku chete munyaya dzebvunzo ichipinza shanduko yokutora zvidzidzo zvamaoko, mitambo kusanganisira nezvanga zviripo kare. Zvava kureva kuti vana vava kugona kuwana mibairo negoho repamusoro mubvunzo muzvidzidzo zvavaine materenda mazviri sokuimba, kuita mitambo kana zvokurima sekupfuya zvipfuyo.

Pfungwa idzi dzakasvika pakutsvenenzverwa nevebazi redzidzo kudzamara mugore ra2017 dzidzo itsva yakakandwa muzvikoro muvana vaiva mugwaro rechitatu vanova ndivo vachatanga kunyora bvunzo idzva muna2021.

Zvidzidzo zvitsva izvi ndezvinotevera. Kuchange kuine masvomhu samakore ose, kozouya chirungu. ChiShona chakavandudzwa zita zvekuti chava kudaidzwa kunzi (Indigenous Language) kuitira kuti tiputire mitauro yose  yava kunyorwa pabvunzo iyo inotaurwa muZumbabwe. Hakuchangonyorwa chiShona chega pabvunzo asi kuti mitauro mizhinji yemuZimbabwe.

Kunouyawo zvokurima nekupfuya zvipfuyo (Agriculture). Kunochipinda zvino zvitsva, zvidzidzo zvesainzi zvakabatanidzwa nezvemichina yamazuva ano (science and technology).

Kunopindawo zvidzdzo zvemhuri, zvechitendero uye tsika nemagariro evanhu (Family, Religion and Moral Education, FAREME). Tabva ipapo tinopinda muzvidzidzo zvekusimbisa muviri, zvemitambo nekuratidzira paruzhinji (Physical Education, Sport and Mass Displays).

Kunopindawo zvakare zvidzidzo zvekushandiswa nekuchengetedzwa kwemakombiyuta (Information Communication Technology.)

Dzidzo itsva iyi iri kutora zvakare nhaka yedu uye tsika nemagariro (Heritage and social studies) sechimwe chezvidzidzo zvichanyorwa bvunzo gore rinotevera.

Chimwe chezvidzidzo zvitsva zvichanyorwa pabvunzo ndechekuita zvemitambo, zvivezwa pamwe nekudhirowa. Ndicho chiri kudaidzwa kuti (Visual and Performing Arts (VPA).

Chidzidzo chekupedzisira ndechekuraira nekutsiura, chiya chinonzi (Guidance Counselling). Zvidzidzo zvose izvi zviri gumi nechimwe chete zvichanyorwa pabvunzo kutanga gore ra2021.

Vakava nhungamiri pakuparurwa kwechirongwa ichi ndivo zvakare vachavanhungamiri mukunyorwa kwebvunzo dzacho. Zviya zvekuita zinyekenyeke kune zvimwe zvidzidzo nekuti zvaisauya pabvunzo zviri kusara muna2020. Pava kuda kuti pashandwe zvakasimba kuti goho redu rigobuda zvakanaka.

Muchikamu chinotevera tinoda kubata mamiriro achange akaita bvunzo racho ra2021 kuti tizive zvatiri kuzosangana nazvo.

Share This:

Sponsored Links