Grade 7 : Chenjedzo maererano nebvunzo

07 Jun, 2019 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
TATI tiyeuchidzane zvatakatarisana nazvo nguva ichiripo, tione kuti tingaite tichiwedzera mwando kuitira musi webvunzo moto uwanikwe wakabaka pasina anenge achipindwa nechando.  Chero zvazvo pepa rehurongwa hwemanyorerwo achaitwa bvunzo regore rino risati rasvika muvanhu, runyerekupe rwune shoko rekuti bvunzo iri richatanga musi wa23 Gunyana izvo zvisati zvakamboitika mumakore apfuura. Tinoziva tose kuti taiti bvunzo rinonyorwa muna Gumiguru apo vanhu vazhinji vanenge vapedza kuita gadziriro. Zvino gore rino ringangokasika kutanga.

Kana zvadai zvoreva kuti tava kutoshandura giya redu kuisa mune rekukakata zvakasimba kuti tipindirane nenguva.

Mukuhwerengedza svomhu dzedu tinobva taona kuti kwasara mazuva anokwana masvondo masere ekudzidza kusvika musi wekunyora. Tichitevedza mamiriro ezvinhu aya, ndaona zvakakodzera kuti mwana wese ange ave neruzivo rwakakwana pamusoro pezvinotevera.

Zviri zvemutauro kana pepa rekutanga hatinyanyoita muchwuchwu naro nekuti zvakawanda mariri inzwisiso iyo inobatwa kupepa repiri. Zvinoreva kuti pepa redu repiri ndiro rine nyaya nekudaro tinoda kuritarisa.

Rondedzero:

Patave iye zvino tinofanirwa kunge tava neruzivo rwakadzama pamusoro pemhando dzerondedzero dzininyorwa zvekuti chero dzikauya dzakadini, hatichanetseka. Kana pane achiri kunetseka nemhando dzerondedzero tinoti asara kumashure kwenguva uye ngaatsvage rubatsiro kuvadzidzisi ashandise kanguva kasara aka. Iye zvino tava kungorovera masoro apo tinoda kuti mwana atevedzere zvinotevera.

Mwana ngaaise pfungwa dzake muzvikwata zvitatu mushure mekusarudza musoro wenyaya waanenge afarira nekunzwisisa. Zvikwata zvitatu izvi ndezvinoti nhanganyaya, mutumbi nemhedziso. Zvinoda kuchinyora rondedzero muchiShona chamandorokwati pasina kusanganganisira chirungu kana mamwe matauriro echimanjemanje anodai kuondonga mutauro.

Panoda kunyorwa zvirevo zvizere zvine sungawirirano yamandiriri uye zvinyorwa izvo ngazvitange nemavara makuru. Panoperera chirevo ngapaonekwe nekuisa chindaguma. Vana ngavangwarire kushandisa mazwi anyakutaurirwa kwete anyakutaura. Rondedzero iyoyo ngaitevedzere hurefu hwakatarwa isaita pfupi kana kurebesa.

Kana ichinge iri tsamba, mwana ngaazive mhando yetsamba yaari kunyora kuti ndeye hushamwari here kana kuti ndeyebasa. Kana mwana aziva kuti itsamba mhandoi, ochitevedzera zvinodiwa.

Mushure mekunyora rondedzero mwana ngaaverenge zvaanyora achigadzirisa mhosho.

Nzwisiso:

Nzwisiso inoita seyakapata asi inogona kukanganisa goho ikasaitwa namazvo. Inoda kuverengwa runokwana rutatu kuti munhu anyatsonzwisisa. Panoverenga mwana rwepiri ngaabva averenga nemibvunzo kuitira kuti paanozoverenga rwetatu anenge otosangana nemhinduro dzemubvunzo.

Ngaanyore mhinduro dzizere uye ngaatange zvirevo nemavara makuru nekuisa zvimiso panopera chirevo. Mwana ngaarangarire kuti mamakisi anoiswa kumberi kwemubvunzo anotaura huremu hwemubvunzo.

Share This:

Sponsored Links