GRADE 7: Madimikira ane zvaanoreva

31 Mar, 2016 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
KUDIMIKIRA kutaura kune hudzamu. Dudziro dzemadimikira hadzifambirane netsananguro dzemazwi anoumba dimikira racho. Muchidimbu tinoti madimikira anoburitsa pfungwa zvakavanzika.

Zvinonzi vakuru vekare vaitogona kureva munhu akatopera iye aripo kubudikidza nekudimikira. Nanhasi uno tinogona kushandisa madimikira muzvinyorwa zvedu tichikodza mashoko.

Chikamu chino tinoda kutarisa madimikira kuti tigone kuadudzira tichizovaka zvirevo kunyanya murondedzero dzedu.

Zvinonzi navakuru “kubvunza nyama iwe makushe uchiaona”. Dimikira iri rinoreva vanhu vanoda kupihwa tsananguro yezvinhu zvavari kuona zviri pachena uye zvavanenge vachinyatsoziva.

Kudirwa nyimo dzinopisa munguwo ndiko kuvambirwa zvinhu zvinokupinza munjodzi huru. Unenge wasikirwa moto muziso zvekuti unobatiswa chakati tende. Kana zvakare tichida kureva kuti munhu akuitira zvakaipa zvikuru tinoti akudhonzera guvhu mukati. Kana achinge akutuka zvikuru tinoti akudira magaramoyo.

Vamwe vanhu vanogona kuzvionesa mbona mbona kubudikidza nekutangana nezvinhu zvinozovanetsa munguva inotevera. Ndipo panonzi navakuru kudenha rukato. Ndizvo zvimwe chete nekuchera nyoka nemuromo.

Kune vanhu vanozivikanwa nembiri yekupenga zvikuru vachiita zvekupopota. Vanhu ivava vanonzi vanodya mitoto. Vamwewo vanogona kuti vanodya magaka mambishi kana kudya hacha mbishi.

Kana munhu achidya mafuta enyika anenge akagarika zvikuru, achiwana zvose zvaanoda nekushuvira mukurarama kwake. Nhamo anoita yekuonera pane vamwe. Vamwewo ndivo vanonzi vanodya chebamba. Ndivava vanhu vanowana zvinhu vachiita zvekutorera nekubvutira vamwe nechisimba.

Kana wavakudya nyika rutivi wava kugara uchinakirwa nekupinda mumafaro akasiyana-siyana.

Kana munhu achinzi akadyirwa danga zvinoreva kuti akabvisirwa pfuma yekuroorwa. Anenge akaroorwa zvakanaka vakuwasha vakabvisa danga dzinove mombe dzerooro.

Vamwe vanhu vane upenyu husinganzwisike. Anosanduka sanduka muzviito zvake. Pamwe anoita zvakanaka zvinofadza vanhu asi pamwe ozoita zvakashata. Ndivo vanhu vanonzi vanodya pavi nepauya. Ndivo zvakare vana zipe nhuhwe muto wetsimba.

Kana zuva ravira tinoti radya mukope. Vamwewo ndivo vanoti rapinda muna mai varo.

Kana uchidzingirira tsuro nemunyu muchanza unenge uine tarisiro yemandiriri yekubudirira pane zvaunenge uchiri kushandira asi iko kushandira kwacho kusati kwapera. Kuzama noto kushereketa kwekutsvaga chouviri.

Kufananidza nguwo nedzaTarubva kungozviisa pachinzvimbo chausingakodzeri nepamusana pekutevedza zvinoita vamwe. Ndiko zvakare kuzvisusukidza senyama yemusoro.

Kana murume nemukadzi vakambenge vakaroorana vakazorambana tinoti vagura muchato. Dzimwe nguva vanhu vanopedza nguva vachiita zvirongwa zvechinhu zvakatopfuura kana zvakatopera kare. Ndiko kunonzi kuruka nhava rutsva rwatsva. Ndiko zvakare kukusha mbeu mvura yaenda.

Makara asionani vanhu vakavengana zvekuti havagone kugarisana. Kana zvichinzi nyaya yakwira mutarara zvinoreva kuti inenge yasvika pachidanho chakaoma.

Kunzvengwa nechiri muchanza kutadza kuwana zvawanga wavapedyo kuwana. Ndiko kutadza kubudirira iwe wanga wava pedyo nekubudirira nekuda kwekusachenjera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey