Grade 7: Mamiriro achaita bvunzo ra2021

05 Mar, 2020 - 11:03 0 Views
Grade 7: Mamiriro achaita bvunzo ra2021

Kwayedza

Ticha Danga

Svondo rapera takabata zvidzidzo zvitvsa zviri kutanga kunyorwa gore rinotevera uye takavimbisa kuti tichapinda muchikamu chino tichiwaridza pachena mamiriro akaita bvunzo racho. Hurongwa uhu hwakatoongorwa nevebazi redzidzo uye vanoona nezvekunyorwa kwebvunzo, veZimsec vakatoburitsa hwaro uhu kuitira kuti varairidzi nevadzidzi vagare vaziva zvavanotarisirwa kuzosangana nazvo pabvunzo.

Chikuru chekutanga kuziva ndechekuti kuchanyorwa bvunzo kumapepa matanhatu (6 subjects). Tange tave kunyora mapepa mashanu kubvira paya pakatutsirwa rezvekurima nekupfuya zvipfuyo (Agriculture), asi iye zvino zvidzidzo gumi zvese zvakaiswa mumabandiko matan- hatu ayo anotarisirwa kuti mwana agonyora pabvunzo.

Muchaona kuti zvimwe zvidzidzo zvichano- batanidzwa zvichizoburitsa huremu hwechikamu chega chega. Mabandiko aya ndiwo achanyorwa akazvimirira muzvikamu zvawo.

Masvomhu (Mathematics):

Masvomhu haana kushanduka kuna kuwedzerwa mushumo asi kuti ari kungonyorwa akadaro semapepa maviri. Mapepa aya akamira akadai; Pepa rekutanga (paper 1) rinotakura zvikamu makumi matanhatu kubva muzana rezvibodzwa (60%). Pepa repiri rinotakura

zvikamu makumi mana kubva muzana (40%).

Chirungu (English):

Chirungu chakangonzi wedzerei zvishoma kubva mune zvaisinyorwa. Pepa rekutanga (paper I) harina kushanduka nekuti ndiro riya remibvunzo yemabhiza panosarudzwa mhin- duro kubva mune dzakapiwa (mulitiple choice). Pepa iroro rinotakura zvikamu makumi matan- hatu kubva muzana. Pepa repiri rechirungu raka- zowedzerwa nepfupiso (summary) pamusoro penzwisiso nerondedzero. Rinotakura zvikamu

makumi mana kubva muzana (40%).

Shona (Indigenous Language):

ChiShona chakavandudzwa kubvira kuzita nekuti hatichati chidzidzo cheShona asi kuti ‘Indigenous Language’. Izvi zvakauya mush- ure mekunge mitauro mizhinji yakanzi yava kunyorwa pabvunzo nekudaro munhu anotora mutauro wake kubva mune ichanyorwa sem- itauro yemuno muZimbabwe. Pepa rekutanga riya ramabhiza rakadzikira pahuremu kubva kune zvinowanikwa kuchirungu nekuti rinotakura zvikamu makumi mana kubva muzana. Pepa repiri rinotakura zvikamu makumi matan- hatu kubva muzana uye rava nepfupiso pamu- soro penzwisiso nerondzedzero.

Zvekurima, Sainzi nezvechizvinozvino (Agriculture, Science and Technology):

Mupepa iri mibvunzo yezvekurima ndiyo inowanda nekuti panopinda mibvunzo makumi maviri nemishanu kubva mumibvunzo makumi mashanu. Kunotevera Sainzi iyo inopinza mib- vunzo gumi nemishanu kubva mumakumi mashanu. Zvemakombiyuta (ICT) zvinowana kamukana kadiki nekuti zvinotarisirwa kupinza mibvunzo gumi. Chidzidzo ichochi chinonyorwa ari mapepa maviri anoti ramabhiza (paper 1) kozoti paper 2.

Regai tigopedzisa mamwe mabandiko ach- anyorwa pabvunzo muchikamu chinotevera.

Share This:

Sponsored Links