Grade 7: Rodza njere nemadimikira

01 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
MUKUVAVARIRA kwedu kuti tipinde mugoho remhando yepamusoro, tinobata mativi ose kuti tigadzire hwaro hwakakura hwebvunzo redu. Rwendo rwuno tinoda kumboita zvine kamusiyano kune zvataisiita kare nekuti tinodawo kuti vana vaisewo kufunga kwavo mudzidzo yavo izvo zvinoita kuti vadzidzire kuita tsvagurudzo vega.

Ndizvo zvakare zvava kukurudzirwa nechirongwa chitsva chedzidzo cheNew Curriculum.

Tichatsanangudza madimikira muchikamu chino asi tichaisawo madimikira asina tsanangudzo kuti vana vagoita tsvagurudzo dzavo tichizopa mhinduro dzacho muzvikamu zvinenge zvichitevera.

Kune dimikira rinoti ane ropa rakananzvwa nembwa.

Zvinoreva kuti munhu iyeye anenge aine munyama wekuti zvose zvaanoita hazvibudirire chero akashingaira zvemhandoi. Anenge onzi ane ropa rakashata.

Pasi pamera ziso idimikira rinotaurwa paya panenge paitika chinhu chisati chamboitika mudunhu kana munharaunda uye chichishamisa.

Nzira igumbu zvinoreva kuti munhu anenge asingamanikidzwi kuita kana kutora chinhu asi kuti aiite zvaanoda iye, kungava kutora kana kusiya, kuita kana kuregera.

Vakuru ukanzwa voti denga harioni vanenge vapinda pachimanikire chaipo pekuti vanenge votoringa kumidzimu yavo kana Mwari kuti avatsikinure kubva mumbonambona inenge yavamonera.

Hakudanwi anonzwa idimikira rinotaurwa paya panenge pachitarisirwa kuitwa mafaro akanyanyisa. Panenge pachirongwa zvikukutu zvinogona kuzofadza rudhende semabiko kana muchato kunyanya uri muchato wembozha kana kuti waChinoto.

Kana gava radambura musungo zvinoreva kuti paya panosimboenderera munhu mukuita zvisina kururama achibudirira, muchiitiko chanhasi chiitiko chiya chazomupinza munjodzi kana dambudziko. Munhu aiisimbopara mhosva pasina anomubata asi zvaazoita tsika dzake idzodzo nhasi azobatwa. Vamwe pakadai vanobva vati zvazoiwana ngwarati.

Manyama amire nerongo zvinoreva izvo kuti zvinhu zvinenge zvisina kugadzikana.

Inenge ingori mvonga mvonga isina neshumo yese.

Regai timboti madimikira atabata iwayo akwana kwanhasi tava kuda kupa madimikira ekuti vana vaite tsvagurudzo tozopa mhinduro svondo rinotevera.

Tsanangudza madimkira anotevera;

  1. Muto wetsenza mumwe chete.
  2. Shoko inhondo.
  3. Nhasi makora shiri.
  4. Kutiza wakabata mhapa neruboshwe.
  5. Swerakuenda mukwasha wezuva.

Share This:

Sponsored Links