Grade 7: Tombotarisa mitupo nemadzinza

29 Nov, 2019 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
“MAITA Mbuya Chikonamombe, chigumbu chine unye, vari Gohombwe, vari Rare. Hekani Dzete, Gusho Manyuka yangu yiyiyiii. Zvaitwa zviHota vana vaMaromo vakabuda murenje. Makanyaya churu namate chikava murove. Maita vari Gangarahwe, vasina mhezi, vakazadzwa navaranda. VekwaSadzadete gobvu rinokonza. Chigumbe chine unye, chinotodenhwa usiku nekuti kuchidenha masikati chinovava. Zvaonekwa Munyame mhara inobhururuka.”

Ava vaera mhara vanenge vachidetemberwa nekukudzwa kubudikidza nemutupo namadzinza avo. Mitupo rupawo rwunoratidza vanhu vedzinza rimwe chete uye vakabva padzinde rimwe chete.

Mitupo yakatanga kare chero nemubhaibheri chaimo munotaurwa zverudzi nedzinza raDhavhidhi. Zvine zvazvaiitirwa kuti vanhu vagozivikanwa nerupawo urwo rwaibatsira mumabandiko akasiyana eupenyu. Chikuru chainyanya kuda kudzivirirwa kuti vanhu veropa rimwe vasaroorane.

Tsvagurudzo inoburitsa kuti zvainzi vanhu vakaroorana veropa rimwe vaizozvara vana ndonda kana vakaremara. Vanhu veropa rimwe vane hukama uye dzinde ravo zvakare rimwe chetu nekudaro mhodzi inobuda mumbeu iyi inenge isina kugwinya.

Chikonamombe haafanire kuroora vanaMaromo. VanaMaromo ndivo vanhukadzi vedzinza revaera mhara. Vanhu vemutupo vakadanana ndiwo anonzi makunakuna.

Kana vashingirira nemakunakuna iwayo kusvika musvitsa kana wanano, vanopedzisira vabvisiswa mbudzi kana mombe chena isina kana ruvara inonzi ndeye chekaukama.

Vanhu makarekare vaifungidzirwa kuti zvese zvavaiita zvaikonzereswa nekashavi kainge kakatakurwa naiye nyakuita zvikukutu. Zvino shavi iroro raizopembedzwa nekutunhidzwa kubudikidza nekudetemberwa kwemutupo.

Kudetemberwa nemutupo kwaiita kuti shavi riya rigoita zvakapfuura zvapakutanga. Vamwe vaizivikanwa nemashavi ekuvhima, vamwe ekurwa chaiwo saka kana aizenge adaidzwa nemutupo aibva amera zenze obva awedzera masimba mukuita ikoko. Kudanwa nemutupo zvakare zvinongoratidza chiremerera. Unenge wapihwa rukudzo rukuru.

Mitupo yose yakanyanya kurerekera kumhuka nekudaro muera mhara haafanirwi kudya mhara. Ukadya mutupo wako zvinonzi unodonha mazino ose. Izvi zvaiitirwa kuti vanhu vakoshese mitupo yavo uye kana uri soko ukadyawo tsoko unenge wazvidya iwe pachako.

Makarekare mitupo chaiyo yakanga isina mipatsa asi nemhaka dzekuda ushe newanano, vanhu vakatanga kudunhurira mitupo yavo vachida kungoitisiyanisa nedzinde rekutanga kuti kutonga kwavo newanano zvigova zvamaturo. Kubudikidza nemitupo iyi, vamwe vanhu vane zvavanoeresa mukurarama kwavo.

Tingatora muenzaniso wevaRemba kana kuti vaMwenyi. Vanhu ava vane mararamiro avo akasiyana neruzhinji. Havangodye chero nyama asi kuti vanodya nyama yemhuka yakauraiwa pachiremba chavo. Nhaurwa yekuchecheudzwa vanoikoshesa zvikuru kusvika pokuti mukomana asina kuchecheudzwa chero akura sei, haabvumidzwi kugara padare nevamwe.

Share This:

Sponsored Links