Grade 7: Tsanangudzo yetsumo

15 Mar, 2019 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
RWENDO rwuno hatina mibvunzo yekutanga tapindura kubva muchikamu chakapfuura nekuti nyaya yedu yakanga iri pakupendera chirongwa chamadimikira naizvozvo zvaisakodzera kuti tiisezve mibvunzo yemadimikira isu takange tobuda mubandiko remadimikira.

Chikamu chino chinopera nemibvunzo iyo yatinotarisira kuti vana vagoshanda vachitsvaga mhinduro dzinokodzera apo vanozobatanidza pfungwa dzavo nemhinduro dzichapiwa muchikamu chinotevera.

Tinoda kumbodzikisa gejo muchikamu chino apo tinotatsurana netsumo. Tinoda kutsanangudza tsumo kusvika pakuti munhu agogona kudzishandisa muzvirevo zvizere nemuzvinyorwa serondedzero.

Chidende chinorema ndicho chine mhodzi itsumo inotaurwa paya panenge pasvika munhu ane hunhu hunoyemurika uho hunochiviwa nevanhu vose.

Zvinodudza kuti munhu ane hunhu netsika dzakanaka haatauri zvisina maturo.

Tsumo yekuti nyamunatsi ndiye nyamutsigwa nebonda inotaura pamusoro pemararamiro anoita vanhu ekuti uya munhu anoitira vanhu zvinhu zvakanaka nguva zhinji ndiye anozoitirwa hutsinye. Dzimwe nguva munhu iyeye aiitira vanhu zvakanaka pakaita mhosva ndiye anogona kunenedzerwa nevagoni vasingakoshesi kuita zvakanaka kuya kwaanoita.

Kana pari pabasa iye munhu uya anoita zvitsvene ndiye anokandirwa mabasa akaoma.

Chidyamatoo akazodzipwa neganda remhuru kureva kuti uya munhu anenge achimbotyiwa navanhu vose achizviita gamba kana bhuru pane vose anenge azorohwa kana kukundwa nemunhu asina kana nebasa rese anotoshorwa chero nani zvake.

Zvinonzi navakuru chinono chinengwe bere rakadya richifamba. Izvi zvinoreva kuti kana munhu achifanirwa kunge achiita chinhu nekukurumidza, anofanirwa kuita saizvozvo nekuti akanonoka pane zvinogona kunyuka zvinogona kuzotadzisa kuti zvaanga achiita zvigopera.

Vanhu vanogona kutaura pamusoro penhamo dzavo vachiona sekuti nhamo dzavo dzakakura zvikuru asi pozoita vanenge vari munhamo chaiyo inopfutidza moto.

Kana vazomonerwa kudai ndipo panonzi chinotaura ndechiri mumusungo nekuti chiri muriva chinoti denga rawa.

Inenge yava nhamo chaiyo yatsitsirira munhu pasisina pekutiza napo. Tinoda kuti vana muchiita tsvagurudzo mugotsanangudza tsumo dzinotevera:

  1. Rabva ngedera denhe kupinda gaya.
  2. Chaita chikoo chapembedzera.
  3. Chirema chiripacho kucherera doro.
  4. Chimene chamadima kupakurirwa nenzara mugwaku uripo.
  5. Kune chirema hakuna rufu.

Tsanangudzo tinodziwana vhiki rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey