Grade 7: Zvimwe zviri mubvunzo dza2021

12 Mar, 2020 - 14:03 0 Views
Grade 7: Zvimwe zviri mubvunzo dza2021

Kwayedza

Ticha Danga

Regai tipendere chirongwa chemabandiko ezvidzidzo zvichanyorwa mugore riri kutevera kunova kekutanga muZimbabwe. Vari mugwaro rechitanhatu gore rino ndivo varikuvarura kunyorwa kwebvunzo idzi saka tati regai tibva tangorigamha richabva Hwedza nekuti vanhu vanga vachinetseka nekuda kuziva kuti zvino vachanyora sei bvunzo ravo nekuwanda kwaita zvidzidzo zvavo.

Mukufamba mubasa redu rekudzidzisa tinofanirwa kuronga kuti ramangwana revana vatinodzidzisa richange rakamira sei. Ndokusaka tichitangira kurovera masoro edu pagwaro rechitanhatu nekuti kuti vana vagobuda zvakanaka pabvunzo dzegore rechinomwe, hwaro hwacho nendemo dzese dzinoitwa pagwaro rechitanhatu.

Vana vanozosara kuenda mugwaro rechinomwe vatoibva kare kubva mugwaro rechitanhatu, ndiko kusaka tati tionesane pachine nguva.

Chikamu chakapfuura takabata mabandiko mana ayo takawaridza pachena kuti vana neruzhinji rwevanhu rwuone kuti zvinotarisirwa kuti bvunzo rinenge rakaita zvakambomira sei. Chikamu chino tava kutarisa kuti zvatisina kuzokwanisa kubata zvakambomirawo seiko chinangwa chiri chekuti vadzidzi nevadzidzisi vaone kuti vakatarisa kupi mugore ra2021 apo pachatanga bvunzo rekutanga re “competency based curriculum”. Mabandiko maviri asara tichangoabata semabatiro atakaita mana apfuura.

Zvemhuri, zvechitendero nedzidzo yeunhu (Social science)

Bandiko iri ndiro musimboti wemararamiro evanhu venyika ino apo panoongororwa unhu hwemunhu. Ndicho chidzidzo chinoburitsa zvitendero zvakasiyana nezvavanotevedza zvichibatana nemararamiro anotarisirwa mumhuri. Bvunzo iri rinotarisa zvidzidzo zve FAREME, Heritage neGuidance and Counselling. Zvidzidzo zvitatu izvi zvinotakura huremu hwakasiyana kana takatarisa huwandu hwemibvunzo. FAREME inopinza mibvunzo makumi maviri nemishanu kubva mumakumi mashanu (50%). Heritage inotakura mibvunzo makumi maviri kubva mumakumi mashanu (40%). Chikamu chekuraira vana nekutsiura (Guidance and Counselling) chinopinzawo mibvunzo mishanu chete kubva mumakumi mashanu (10%).

Bvunzo iri kana ronyorwa rinenge riine mapepa maviri anoti rekutanga (paper 1) ramabhiza kozoti pepa repiri (paper 2) risina mhinduro dzekusarudza.

Zvemitambo nekusimbisa miviri (Physical Eduction and Arts)

Iri ndiro bandiko rechitanhatu rinobva rapendera mamiriro anenge akaita bvunzo revana gore rinotevera. Imomu ndimo munowanikwa Visual and Performing Arts (50%) nePhysical Education and Mass Displays’ (50%). Pepa irori rinonyorwa riri rimwe chete riri remibvunzo yemabhiza. Zvinoreva izvo kuti mwana anenge agona zvese anenge aine zvibodzwa zvitanhatu. Zvabva zvatibatsira kuti tizive kwatiri kuringa deyateya tobva tagadzirisa nguva ichiripo. Basa ndirori pajekerere uye rinoda kushandwa nokuti hapana chinopinda mukanwa megava rivete.

Share This:

Sponsored Links