GRADE 7: Zvipfuyo nevana vazvo

31 Jul, 2014 - 08:07 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
NDATI hatingatange nekunanga kubandiko rezvipfuyo isu tiine mungava kana kuti chikwereti. Kana uine chikwereti ukasachiripa unogomberwa washaya kuti woita sei nekuti chinotoda kuripirwa.
Chikwereti ichi ndakachipara muchikamu chapfuura apo ndakabata mhando dzemiriwo. Handina kutaura nezvehove. Hove ndiyo imwe mhando yemiriwo inoita kuti gomo resadza riparadzwe nekusakadzwa zvisina mukare akamboona.

Hove dziri pamhando dzakasiyana-siyana. Kune hove inonzi chibayangwena, iyo inoita minzwa kana kuti masahwa makuru anobaya. Kunoti magwaya ayo ane minzwa pamusana uye masahwa akati wandei.

Chigwaya chinosiyana nehunga, iyo ine musoro wakada kuita sewenyoka. Hunga ine munyepfu wakawanda kupfuura chigwaya. Jenya kahove kadiki kanodyiwa zvose nemasahwa ako. Kanobatika neduwo kana chiredzo asi hakana minzwa pamusana.

Muramba ndiyo mhatye. Muramba une munyepfu wakawanda uye inonyanyonaka yamboita zvekusasikwa. Muramba une musoro muhombe netunenge tundebvu. Kune dzimwe hove dzinonzi cheni nenyamatsatse.

Zvatadai kuripa chikwereti chiya tochisimudzira mberi nyaya yedu yenhongo nesheshe. Zvoreva izvo kuti tava kunhanhira kuzvipfuyo apo tinoda kuona vana vemhuka idzo uye kuburitsa zita rechikadzi nerechirume.

Misha mizhinji inochengetwa katsi asi vanhu vakawanda havazive nezvadzo. Katsi kana iri hadzi kana hono haipihwi rimwe zita kunze kwekungonzi chidharimbo. Vazhinji vanoda kuti mangoi asi hazvisirizvo nekuti mangoi ndiyo katsi yacho. Zita rekuti mangoi rakabva mumachemero acho.

Makwayi aya anochengeterwa nyama anozvara vana vanonzi pwizana kana kuti bwazana. Vamwe vanodaidza vana vemakwayi kuti shere kana kuti gwayana. Gwai gadzi risati rabereka rinonzi sheshe rakaberekawo richinzi dunzvi. Kana rava gwai gono ronzi hondohwe kana kuti gondohwe.

Mbudzi inozvara mbudzana. Kana yava mbudzi hadzi inopihwa mazita akasiyana zvichienderana nekuti yakamira sei. Kana isati inonzi sheshe, yakabvira kare kubereka ichinzi nhunzvi. Mbudzi ine mwana mumwe chete inonzi mandaudzi kozoti yava kubereka inonzi dimbura. Kana iri hono inonzi gotora kana kuti mbocho. Kana iri hono yakachekwa inodaidzwa kuti n’anza. Mbudzi hono ichiri diki inonzi chikotora kana chikweme. Iya yava kuberekesa inonzi gutukutu.

Mombe imhuka yakakosha pamusha. Mwana wemombe anonzi mhuru asi kana ichangoberekwa inonzi munava kana kuti nhedzana. Kana iri iya yakarumurwa yonzi gondora. Mhuru hadzi inonzi borombe kana kuti mhorombe kuchitiwo yava kubereka yonzi tsiru. Yakabereka inonziwo mhou.

Kana iri mombe nzombe inonzi handira, ngunzi kana kuti ngavi. Inosungwa pajoki inonzi dhonza kana kuti gwaimani. Mombe isingabereke inonzi mhandye kana kuti tsotse.

Nguruve inogona kunzi humba. Mwana wenguruve anonzi ngurwana kana humbana. Anodaidzwa zvakare kuti chisamakei. Rimwe zita remwana wenguruve rinonzi chigwihi. Nguruve hadzi isati yabereka inonzi sheshe asi yabereka inonzi nhunzvi.

Pamusha panowanikwawo hangaiwa. Mwana wehangaiwa anonzi marunga kana kuti nhiyo. Hangaiwa hadzi isati yabereka isheshe, yakabereka ichinzi nhunzvi. Mukono wacho ijongwe.

Share This:

Sponsored Links