Grade7: Mazita ekutuka nekutsura

02 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga

BVUNZO zvarakadai kunyorwa, hazvirevi kuti kudzidza kwapera. Tinotofanirwa kuramba tichiverenga kuti tiwedzere ruzivo.

Kune zvakawanda zvatinofanirwa kudzidza kubva mukurarama kwaiita vakuru vekare. Matunhu aiva namatongerwo awo zvokuti madzishe kana madzimambo vaive nenzira dzavo dzekupa mitongo kana vanhu vachinge vatadzirana.

Mumaruwa maisagarwa muchechetere nguva dzose. Zvakawanda zvaigona kuti vanhu vatadze kuwirirana. Vanhu vaigona kutosvorana nenyaya yemiganhu yeminda, vamwe vaipumhana huroyi kozotiwo vamwe vaizvondanirana upfumi.

Zvino zvaiti kana zvadai, hapachina kuwirirana asi kuti vanhu vaigara vakafutirana vachikurungwa mumwoyo neshungu. Shungu idzi vaidziburitsa kana pazvarwa mwana kana imbwa apo vaizotumidza mazita akanangana nedaka raivepo. Kana vanhu vakanetsana nenyaya yehuroyi ndipo paunonzwa mwana achitumidzwa kuti Matipedza, Matinyanya kana kuti Pedzai. Vanhu vanenge vachiedza kuti bundu riri mumwoyo rinyevenuke nekuti pese pachadanwa zita iroro, vanonge vachitotuka vaya vavanonetsana navo.

Hazvigumiri ipapa, nekuti vaya vanobva vaziva kuti vanyombwa kubudikidza nezita riri kudaidzwa nekudaro vakaitawo wavo mwana vanobva vadzorera nekutumidzawo zita rinotuka. Ndipo panobuda mazita anoti Mugondidini, Munondin’yei kana kuti Matimadii. Kana iri imbwa

inobva yanzi Muroyindishe kana kuti Tozvariremi.

Dzimwewo dzinongonzi vana Zvakwidza kana kuti Zvamuriimi. Ipapo shungu dzemunhu dzinobva dzatunhidzwa kunyanya panohukura imbwa iyoyo nekuti anobva adana zita iroro zvine mutsindo.

Ukanzwa paya panodanwa mazita akaita sana Sasanai kana kuti Tozivepi wobva watoziva kuti hapana chakanaka.

Kana dai mombe dzinotumidzwa kuti Wegejo kana kuti Abhigero kuri kutsvaga kutokonya vavakidzani.

Nhaurwa yemazita haingoshanda pakutukana kana kutsiurana chete asi kuti inogona zvakare kubatsira pakutunhidza nekurumbidza mabasa akanaka anenge aitwa. Zvakafanana nekuti kana pakazvarwa mwana kunyanya mazuva ano vanhu vanoda kurumbidza nekutumidza zita rinotunhidza sokuti Ruvarashe, Mukudzeishe, Anotidaishe kana Makatendeka.

Vamwewo ndivo vanotumidza nekuti zvido zvavo zvazadziswa nokudaro panobuda mazita akaita saTanatswa, Rutendo, Takomborerwa kana Tafadzwa. Mamwewo mazita anobuda nekuti kwaitika chinhu chakaoma chinobata upenyu hwavanhu sekufirwa. Pakazvarwa mwana mushure mekunge vabereki vashaya anonzi Masiiwa kana kuti Munzvengwa. Dzimwe nguva vanhu vanogona kunetseka chaizvo nekuda kuita mwana mushure mekuroorana zvekuti vanotsvara kwese mukuedza kuita mwana zvekuti paanozouya vanomutumidza kuti Mutsvariwa.

Pane dzimwe nguva dzekuti vanhu vanoita twutsika twavanenge vava kutozivikanwa natwo nekudaro vanhu vanovanemera mazita.

Share This:

Sponsored Links