Kwayedza
SHASHA yemitambo yemadhirama neny’ambo dzinosetsa – Lazarus “Gringo” Boora – akashaya nezuro mushure mekunge arwara nechirwere chegomarara.
Ange ava nemakore 47 ekuberekwa. Gringo ange arwara kwenguva refu izvo zvakaona utano hwake huchidzikira chaizvo mumasvondo adarika. Achitaura neKwayedza mangwanani eMuvhuro uno, Taurai “Gringoldinho” Boora anotsinhira nezverufu rwababa vake. “Zvakaoma, baba vatisiya. Tiri kurwadziwa zvikuru nekutisiya kwavaita. Zvinhinji tichakuzivisai,” anodaro.
Pana Gringo tarasikirwa: Gweshegweshe
nyaya naAbel Ndooka
Gweshegweshe anoti, “Handina kana neremuromo, Gringo atisiya. Ndakaenda kunomuona mazuva mana adarika uye handina kumbofungira kuti anotisiya nhasi (Muvhuro).
“Gringo munhu aishanda nesimba, aida basa rake uye aiziva zvaaiita achibatsira vamwe kuti vakure mune zvemafirimu nemadhirama.”
Gweshegweshe anoti rufu rwaGringo rwauya apo iye nevamwe vaanoshanda navo vange vari pakati pekubika rimwe rinonzi “Gringo Troublemaker Two”.