Uncategorized

Gringo ava kuruzevha

17 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Gringo ava kuruzevha Lazarus ‘Gringo’ Boora

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yemadhirama anosetsa, Lazarus “Gringo” Boora — uyo akamborwara zvekupinda muchipatara nguva yadarika — anoti asimba uye pari zvino akamboenda kumusha kuNyazura kumbonosakura kumunda wake.

MunaGumiguru gore rapera, Gringo akavhiiwa nemachiremba kuchipatara sezvo appendix yake yainge yakanganisika izvo zvakaona achimbogara muchipatara kwekanguva uye veruzhinji vakabatana kuunganidza mari yekuti arapwe.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Gringo anoti asimba zvekuti akatoenda kumusha kumbonorima nekusakura.

“Muviri wangu wave kuita zvakanaka manje, iye zvino ndakamboenda kumusha kuNyazura, ndiko kwandiri kumbofurwa nemhepo uye ndichimboona kuti zvirimwa zvangu zviri kubuda zvakanaka here,” anodaro.

Gringo anoti achadzoka muHarare munguva pfupi iri kutevera.

“Svondo rinotevera ndinenge ndadzoka muHarare, kana ndadzoka ndokuzivisai.”

Gringo anozivikanwa nemadhirama anosanganisira Gringo, Gringo Ndiani? nefirimu rinonzi Gringo Troublemaker.

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey