Gudo pweshe murusero

11 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Gudo pweshe murusero

Kwayedza

Kingstone Mapupu
CHEMBERE yekwaMurehwa iyo yaidyara chibage ichibatsirana nevanhu vemaricho yakabereka tsoka kutiza mumunda nevamwe vayo apo horomba yegudo yakasvikogara murusero rwaiva nembeu, ndokutanga kuringaringa yakadendemara imomo.Mbuya Madhori (60), vemubhuku raMhembere, kwaMambo Mangwende — avo vaiva chinhambwe nevamwe vanhu vavaidyara navo chibage apo mashura aya akaitika — vanoti vakashamiswa kuona gudo ragara murusero rwaiva nembeu. Vanoti havana kuona kwarakabva nako uyewo harina kuratidza kana kutya.

“Ndaidyara chibage ndiri kwangu ndoga mumunda wangu ungangoita eka apo ndaiva ndakaisa mbeu murusero kugotsi kwangu padyo-pedyo neni. Ndakazongoerekana ndonzwa ruzha padyo neni ndokuzocheuka ndikaona horomba yegudo rakanditarisa rigere murusero.

“Rainge rakanyatsopfunya chisero riri mukati uye rakagumbata.

“Ini ndakavhunduka zvikuru nezvaiitwa negudo iri ndikatomboda kutiza asi ndakatadza kana kusimudza gumbo nekutya. Pava paye, rakazonokora chibage ichi nemawoko ose ndokumbomira rakadaro, apo rakazotanga kudya rakandiyeva pasina kutya,” vanodaro.

Ambuya ava vanoti vakazoita chivindi ndokuzonhonga dombo mumunda umu iro vakaripotsera vachida kuritema asi rakanzvenga ndokuzosimuka murusero muya rokanyaira nepakati pemunda richienda.

Mbuya Madhori

“Handina kuzomboenderera mberi nekudyara chibage ichi sezvo ndakanga ndofunga zvinhu zvakawanda. Ndakangoti raiva ratumwa kuzotora mbeu mumunda mangu nevaroyi vanoshandisa divisi pakurima.”

Vanoti gudo chairo remusango rinofanirwa kutya vanhu kwete iri ravanoti rakaita sekunge rakadonha mudenga sezvo pasina akaona kusvika kwaro.

“Ndiyaniko akakutaurirai nyaya iyi, ndivo vanhu vemaricho vaiva pano here? Handidi kuti nyaya iyi ibude kani, ndinonyara. Ndinoti aya mashura nekuti ndakazonzwa shoko renhamo yehanzvadzi yangu yakangodonha kwaMutare ndokufa asina kurwara. Ini ndine BP, ndikasara ndichirwara ndichifa ndinoti ndimi vatori venhau madariso,” vanodaro.

Mbuya Madhori vanoti mbeu yechibage yaiva murusero vakazotya kuramba vachiidyara zvekuti vakangoichengeta nanhasi.

Muzukuru wavo, Fungai Madhori (31) anotsinhira nyaya yegudo iro raanoti rine chekuita nekuroya.

“Hakuna gudo rakadaro. Kana raidaka chibage raingodya chete, ko kuzogara murusero? Uku kutora chikafu mumunda bedzi,” anodaro.

Marko Munyawiri (30), uyo anova mushandi wepamusha apa, anoti nyaya iyi kana nanhasi inovavhundutsa nekuti havazive kuti gudo iri chinangwa charo chaiva chei.

“Aya mashura nekuti muno hamuna kumbobvira makaitika zvinhu zvakadaro. Hamheno, pamwe rine munhu akarituma, kana vari gogo vari kufungisisa pamusoro pezvakaitika izvi,” anodaro.

Kuchiti Mbuya Alice Kwenda Masoko (60) vekuLochnvar, muguta reHarare, avo vanove nyanzvi yezvechivanhu vanoti iri harisi gudo remusango, asi kuti rakatumwa kuzotora zvirimwa.

Fungai Madhori — Mifananidzo naEdward Zvemisha

“Munda uyu haumbofa wakaita chikafu, chakatotorwa kare kuenda kumuridzi wegudo iri. Mhuri iyi inofanirwa kufamba kugadzirisa munda uyu kuti vadzose chibage chavo.

“Zvakare, gudo rinoshandiswa kutumwa kunoreva zvikwereti kana kutevera mhosva dzakasiyana saka hatizive kuti iyo mhuri iyi hainawo here vanhu vavakambonetsana navo. Kana varipo, ngavagadzirise,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links