Uncategorized

Gudo pweshe pabhenji. . . richidya sadza nenyama

18 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Gudo pweshe pabhenji. . . richidya sadza nenyama

Kwayedza

Michael Magoronga
VAGARI vekuChirape, kwaNembudziya, mudunhu reGokwe, havana kana nechekutaura zvichitevera nyaya yegudo rinonzi rakawanikwa rakanyatsodekara rigere pabhenji mumba meimwe mhuri richidya mukonde wesadza nenyama.Gudo iri rakaonekwa nemwanakomana wepamba apa ane makore 13 okuberekwa uyo akange adzoka kunofudza mombe.

Mushure mekutyiswa nezvaainge aona, mwana uyu akaridza mhere ndokushevedzera kuvavakidzani vavo kuti vazoonawo manenji aya.

Sadunhu wenzvimbo iyi, VaPellegia Makore vanotsinhira nyaya iyi.

“Ndakaudzwa kuti gudo rakaonekwa rakagara pabhenji muimba yokubikira richitodya sadza. Rakaonekwa nemwana uyo akazoshevedzera kuvavakidzani vavo sezvo vanhu vakuru vemhuri iyi vakange vasipo,” vanodaro.

Zvisinei, vanoti apo mhuri iyi vakabvunzwa nezvegudo iri, vakaramba kuti pane chavanoziva nezvenyaya iyi uye ndokuudza mwanakomana wavo kuti asataure nezvenyaya iyi kuvanhu.

“Sabhuku vemunzvimbo iyi, Matavire akandiudza nezvechiitiko ichi asi mhuri iyi iri kuramba, kunyangwe zvazvo mwana uyu ari kusimbisisa kuti akaona gudo mukicheni mavo uye pane vamwe vafakazi varipo zvakare,” vanodaro Sadunhu Makore.

Mumwe ari kuziva nezvenyaya iyi, akaudza Kwayedza kuti mwana uyu akashevedzera kuvavakidzani vavo mushure mekunge aona gudo rakagara pabhenji.

“Akasvika pamba nguva dzave kuma5pm uye paakapinda mukicheni achida kutora chikafu chake, akaona gudo rakagara pabhenji. Atyiswa nazvo, akashevedzera kuvavakidzani uye nenguva isipi, vanhu vakange vazara pamusha uyu.

“Ndini ndakatanga kusvikapo uye ndakazvionera nemaziso angu, gudo iri raidya sadza nenyama zvaive mundiro,” anodaro nyakuti akaona mashura aya.

Anoti gudo iri rakazosvetuka nepahwindo ndokubva rananga muchisango chiri pedyo nemusha uyu ndokunyangadika mushure mekunge rave kutemwa nematombo nevanhu vainge vaungana.

“Handina chokwadi kuti mwana uyu aiziva nezvegudo iri uye ndicho chikonzero akatyiswa nazvo. Zvinoratidza sekuti vemhuri iyi pane zvavanoda kuvanza nekuda kwemabatiro avari kuita nyaya iyi uye vakataurira mwana uyu kuti asawane waanokurukurira nyaya iyi,” anodaro.

Vagari vemunzvimbo iyi vanonzi vakasara vaine mibvunzo isina mhinduro nekuda kwechiitiko ichi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>