Uncategorized

Gudo pweshe pamusoro pewodhiropu…ndokusiya rati tsvina rayo waaaaa

05 Mar, 2020 - 14:03 0 Views
Gudo pweshe pamusoro pewodhiropu…ndokusiya rati tsvina rayo waaaaa Makaitirwa tsvina

Kwayedza

Kingstone Mapupu

Mhuri inogara mumusha weEastamack, kuNorton, inoti nguva pfupi yadarika yakaitirwa mashura nehoromba yegudo, iro rakapinda mumba mavo, ndokusvikorasa-rasa midziyo — mimwe richipwanya — pashure ndokuzoitira tsvina mune imwe imba richibva razokanyaira richienda.

Manenji aya anonzi akaitika masikati machena panhamba 3971 inova imba inogara vana chete sezvo muridzi wepo achigara kuSouth Africa.

Morris Chovha (18) — anova hanz- vadzi yemuridzi wemba uye achigara nevazukuru vake vatatu vana vehanzvadzi — anoti vakasara vazere nekutya kukuru zvichitevera mashura aya.

Morris Chovha

“Ndaiva pano ndiri ndoga ndakatorara zvangu pakasvika gudo rechirume iri. Rakatanga kuonekwa pane imwe imba yechishanu kubva pano. Ndakanzwa ruzha vanhu vachishevedzera paine vana vakawanda nevamwewo vanhu vakuru.

“Pandakabuda panze, ndakasangana naro rakwira mudhuri wedu ndokundisvetukira richida kundiruma rakashama muromo uye richiita serakakunga zvibhakera,” anodaro Morris.

Anoti aona kuti gudo iri raitoda nezvake, akarinzvenga apo raida kumukachikira ndokutizira kunze kwemba apo iro rakabva rapinda mumba.

“Rakanopinda mubhedhuru mangu umo rakasvikokwira pamubhedha nekuenda pamusoro pewodhiropu richipunzaisa zvinhu zvakaita seterevhizheni nekupunzira tebhuru pasi. Rakapunzazve malights ose mudzimba richitoita madiro,” anodaro Morris.

Anotizve hapana parakasiya kupinda, kusanganisira nemuimba yekugezera ndokuzogumisira nekukwira pamusoro pewodhiropu apo rakaitira mukonde wetsvina. Ndichibatsirwa nevamwe vanhu, takazopinda mumba ndokuvhara screen repadhoo apo rakapinda napo. Takatoriona richiitira tsvina pamusoro pewodhiropu richichema rakatarisa vanhu.

“Takatora nguva ingaite maminetsi gumi nemashanu takarivhariramo apo takazovhura screen richibva rabuda ndokukanyaira richienda.”

Morris anoti vanhu vaivapo vakaedza kuridzira nhare vebazi reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (Zim- parks) asi havana kukwanisa kuvabata.

Gudo

Gudo iri, anodaro Morris, parakabuda mumba mavo rakanokwira mumuti umo rakagara kwechinguva, ndokuzoenda kusina anoziva.

“Mamwe mashoko andisina umboo nawo anoti vashandi veNational Parks vakazouya vachitora mhuka iyi, vamwewo vachiti rakazopfurwa nevashandi ava apo rinonzi rakanga rapwanya marata epamwe pamba muno makare,” anodaro.

Vamwe vana vaanogara navo anoti vakazodzoka kubva kuchikoro vakasvikowana izvi zvaitika uye vakava nekutya kukuru.

“Gudo iri raenda kudaro, ini ndaka- zobvisa tsvina pamusoro pewodhiropu nekupageza nemvura ndokunhonga mimwe midziyo yarainge rapunza. Vamwe vanonditi gudo iri ndere varoyi saka vaiti ndisabvise tsvina yaro, asi ini ndainge ndisina zvekuita nekuti ndini mukuru pano,” anodaro Morris.

Muridzi wemba iyi – Nomatter Chovha – anoshandira kuSouth Africa uye anonzi akazoziviswa asi Kwayedza haina kukwanisa kutaura naye.

Ma“bulb” emagetsi akapwanyiwa negudo iri akawanikwa neKwayedza asati agadziriswa mudzimba idzi uyewo matsimba aro aiva achakadhinda kumadziro kwemba iyi.

Mutauriri weZimparks, VaTinashe Farawo, vanoyambira veruzhinji kuti kana vakaona mhuka munzvimbo dzavanogara, vasadzirwise kana kudzivhundutsira asi kuti vazivise vebazi ravo avo vanoziva zvekuita nadzo. Votaurawo nezvenyaya iyi, Mbuya Alice Kwenda Masoko veku- Lochnvar, muHarare, vanoti gudo iri rine chirevo chakaipa kumhuri iyi.

VaFarawo

“Dai rakangopinda risina kuita tsvina zvairatidza kuti rapotera kubva kuvanhu vairidzingirira. Zvino kuzoita tsvina uku rakasiya munyama mukuru pamusha uyu,” vanodaro Mbuya Kwenda.

Kuchitiwo Gogo Mamoyo Letwin Manguwo (28) vekuUnit M, kuChitungwiza, vanotsinhira vachiti, “Pachivanhu tinoti chinotanga mashura. Pane chivanhu apa. Mhuri iyi ngaifambe kana pasina vakuru kudaro iye muridzi wemba ngaambodzoka aone zvekuita nevana ava.”

Gogo Mamoyo

Madzibaba Mateo Mupfumbati vekuBudiriro 2, muguta reHarare, vanotiwo hakuna gudo rinopinda mukati medzimba dzigere vanhu sezvakaitika izvi.

“Norton yakakomberedzwa nemasango zvekuti hakuna mhuka inofanirwa kurasika ichipinda mumisha. Tine Lake Chivero nemamwe masango uko mhuka dzinohwanda, iri igudo remunhu.

Madzibaba Mateo

“Kumamisha makudo anotsvaga kudya mudzimba, izvozvi nharaunda yeNorton yakazara nechibage chave kuibva uko raingodya roenda,” vanodaro Madzibaba Mateo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey