Uncategorized

GUDO RAKABVUTA MOTA. . . nayo mudondo . . . munhu ndokufa

18 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
GUDO RAKABVUTA MOTA. . . nayo mudondo . . . munhu ndokufa Madzibaba Elias Gomwe nemudzimai wavo

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUPOROFITA wekuChitungwiza — uyo achangobva kuita tsaona nemota yake — anoti akabheuka mushure mekunge mumota yaaityaira makangoerekana mapinda horomba yegudo iyo yakasvikobata chimudhiraivho, ndokutanga kurwisana naye igere pamakumbo ake kusvikira motokari yapidiguka ruviri.
Madzibaba Elias Gomwe (41), wechechi yeJohane Masowe weChishanu — uyo vakambokonzera kutaura mushure mekubuda muKwayedza nenyaya yekudzura vanhu mazino achishandisa maoko avo bedzi pasina dziviriro — anoti achiri kurwara nekuda kwetsaona iyi.
“Ndava nemwedzi miviri ndapona neburi retsono apo motokari yangu yakaita tsaona ndichibva kwaGandanzara, kwaRusape, ndichiuya kuHarare uko ndainge ndanoshandira imwe mhuri.
“Taiva vatanhatu mumotokari ndiine mamwe mapositori andinobata nawo. Ndakatanga kunzwa steering yave kuoma ndokushaya kuti chii. Ndakazonzwa rinenge dzungu ndichiona karima apo ndakazoona mazioko aiva nemvere obata chimudhiraivho Ndakabva ndaona riri gudo hombe richindisandudzira kuti ndibve pachigaro chemutyairi,” anodaro Madzibaba Elias muhurukuro neKwayedza apo aiva pamusha pake uri kuGazzebo, mubhuku raDhizha, kumaruwa ekwaSeke.
Kusina nguva, anoti motokari yakabuda mumugwagwa apo iye akange ave kutya kuramba akabata chimudhiraivho ichibva yabheuka ikapidiguka kaviri.
“Pakangopinda gudo iri mumota, vamwe vandinonamata navo vakatanga kuchema sezvo vachiti vakazongoriona rava mukati. Vanhu ava vakaridza mhere apo motokari yakanga yave kubheuka,” anodaro Madzibaba Elias.
Muporofita uyu anoti pavakabheuka, iye akafenda.
“Tainge tashevedzwa kwaGandanzara uko kune mhuri yevanasikana vashanu vose vasati varoorwa. Tasvika pamusha apa, mumwe wevanhu vandinonamata navo akaona nyoka yendara yaibhururuka iri kuchimbuzi chepo uko takazoiuraya tikaipisa. Zvadaro, baba vepamusha apa vakatibhejera kuti taisasvika kuHarare isu ndokufunga kuti kwaingova kuvhundutsira bedzi.”
Madzibaba Elias anoti apo motokari yakange yabheuka ivo vafenda, vamwe vavo vakazovaudza kuti gudo iri rakangonyangarika patsaona ipapo.
“Vamwe vangu vashanu ava vakakuvara vose kusanganisira neni uyewo motokari yangu yeMazda Twin Cab yakaparara mutsaona iyi. Takazoendeswa kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals uko takarapwa vamwe ndokuburitswa.
“Asi ini ndakapedza mwedzi ndirimo muchipatara ndichiita sendave kurasika njere. Mumwe wevandakakuvara navo mutsaona iyi akazoshaika nekukuvara kwemutsaona iyi,” anodaro.
Madzibaba Elias anoti gudo rimwechete ravakaona richimubvutira chimudhiraivho rakazotevera kumba kwake svondo rakapera rikakanyaira nepamusoro pemudhuri wepo ndokudarika nepachivanze richibva razoenda.
“Ndichangobuda muchipatara uye ari masikati, gudo rakangofanana nerakandibvutira chimudhiraivho rakauya ndigere navadzimai vangu panze, ndokufamba nepamusoro pemudhuri wakakomberedza musha pasina kana kutya. Rakasvetukira mukati mechivanze ndokudarika nepamusha richibva raenda nekurwizi Duri.”
Mashoko amadzibaba uyu anotsinhirwa nemudzimai wake, Mildred Raza (31), achiti gudo iri rakasvika pamusha pavo ari masikati.
“Ini pavakaita tsaona vachibva kwaRusape ndaisavapo, ndakangonzwa vachiti vakabvutirwa mota negudo, motokari ichibva yabheuka. Vava kuno kumba vabuda kuchipatara, gudo rakazouya iro vanoti ndiro rimwechete rakavapindira mumotokari. Hatizive kuti igudo chairo here kana kuti chikwambo,” anodaro.
Madzibaba Elias anoti ari kushandisa mishonga yekurapwa ari kumba kwake zvichitevera tsaona iyi.
“Iyambiro yangu kune vose vanoshandira vanhu mumatambudziko epamweya kuti vanofanirwa kunopinda mudzimba vatanga vanamata, kunyanya kana vachiita zvechivanhuwo voziva kuti vakasimba,” anodaro.
Votaura nezvakaitika kumuporofita uyu, Mbuya Alice Masoko Kwenda (61) vekuLochnvar, muHarare, vanoti nyaya iyi inonetsa kunzwisisa kuti madzibaba uyu ane zvaakatumirwa here kana kuti iye ane zvakewo.
“Tiri kumbwa nekutsuro nekuti inyaya inonetsa kuti gudo iri rakaita rekutumirwa here? Dzimwe nguvawo madzibaba uyu akabata-bata senzira yekuzvisimbisa. Asi anoda kubatsirwa,” vanodaro.
Mbuya Letwin Manguwo (27) — avo vanozivikanwa nekuti Gogo Mamoyo vekuUnit M, kuChitungwiza — vanotiwo nyaya yemuporofita uyu inoda kunzverwa zvizere.
“Madzibaba uyu anogona kunge zvechokwadi akatumirwa gudo sechikwambo paine mhosva dzaakapara, kungava kutora mudzimai wemunhu kana kurambira nemari yemunhu kana zvimwewo. Tinogonawo kuti akatumirwa nevavengi sezvo aibva kunobatsira vanhu vaiva nezvinhu zvakaipa uye pane zvimwewo zvekuti pamwe muporofita uyu akaromba nekuti vanhu vari kutsvaga masimba zvakasiyana-siyana,” vanodaro.
Vanoti nyaya inonetsa ndeyekuti sei gudo iri rave kuenda pamusha pemuporofita uyu panova pakasiyana nekwakaitikira tsaona.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey