Gumbeze raMwari ndiyo mhiko huru pakurima

05 Oct, 2022 - 17:10 0 Views
Gumbeze raMwari ndiyo mhiko huru pakurima Makomba ePfumvudza aiaswa gumbeze raMwari (mulching)

Kwayedza

naNester Gumbo

REGAI vakuru vakati panorairwa mwana washe muranda teerera. Varimi vazhinji munyika yedu yeZimbabwe vari kusaririra mumashure nekuda kwekuti panotaurwa mashoko epundutso vanoisa zvimiti munzeve.

Pfumvudza inzira yekurima yakaongororwa nanamuzvinafundo kuti inogona kupa goho guru pakamunda kadiki-diki. Pfumvudza kurima pachishandiswa zviga zvekurima nemakomba.
Kuti tiwane goho guru, mabasa ose anofanirwa kuitwa zvemhando yepamusoro pasina kana kurasikirwa nenguva, zvekushandisa uye goho racho.

Kana tikashandisa nzira iyi pakurima, tinogona kuwana chikafu chinokwana mhuri ine vanhu vatanhatu kwegore rese. Nzira iyi yakanaka chose sezvo ichitendera murimi kuti ashandise zvikwanisiro zvake pandima diki zvichimupa goho guru.

Tose tinobvumirana kuti mamiriro ekunze ashanduka kana takatarisana nekunaya kuri kuita mvura uye kupisa kuri kuita kunze. Mwaka yedu yasanduka chose, yava mipfupi. Kune dzimwe nzvimbo mvura yava kunonoka kuturuka yokurumidza kupera ichisiya mbeu dzisati dzaibva. Kune dzimwewo nzvimbo, mvura iri kunaya nemafashamu iine kuparadza kukuru.

Izvi zvose zviri kukonzerwa nekusanduka kwemamiriro ekunze iyo yatinoti “Climate Change” muChirungu. Isu sevarimi, nemuono wekusanduka kwemamiriro ekunze ticharamba tinawo, pane nzira dzekurima dzinotipa goho guru dzichiita zvakare kuti mhuri dzedu dzigute.

Nzira idzi dzinosanganisira kurima nemhando yePfumvudza.
Pane zviga zvatinofanira kucherechedza sevarimi kana tichirima nenzira yePfumvudza.
Zviga izvi zivinosanganisira kuchera makomba kuitira kuti tisatambanudza ivhu redu zvakanyanya.
Chimwe chiga ndechekuchinjanisa mbeu mumunda mumwe chete gore roga-roga yatinoti “crop rotation” muChirungu.

Chiga chechitatu, ndechekuisa gumbeze raMwari mundima yePfumvudza (mulching)
Chiga chegumbeze raMwari ndicho chatinoda kutsikirira zvikuru munyaya yedu sevarimi.
Varimi vazhinji vanofunga kuti gumbeze raMwari huswa chete. Kwete, gumbeze raMwari rinosanganisira mashizha, tsotso, murakwani, mashanga echibage, egorosi, enzungu nemamwe ezvirimwa zvatinenge takohwa.

Chinhu chikuru chatinofanira kuita sevarimi kuunganidza gumbeze raMwari nguva ichiripo.
Tichingobva mukukohwa, tinofanira kuunganidza nekuchengetedza gumbeze rekuzoshandisa.
Varimi vazhinji vanorivara kusvika mwaka watanga gumbeze pasina. Vamwe vanozopepuka gumbeze raparadzwa nemotomupengo.

Chibage 

Sevarimi, hazvina zvazvinobatsira kuyeuka bako waniwa, kuPfumvudza tinokurudzira kuti varimi vaite basa ravo nemazvo uye nenguva. Gumbeze raMwari rine zvarakanakira varimi.
Chekutanga, rinochengetedza ivhu redu kuti risakukurwe nemvura.

Pose pakawaridzwa gumbeze, mvura inofamba zvinyoro-nyoro uye ichinyatsopinda muvhu.
Gumbeze rinoita kuti hunyoro hugare muvhu kwenguva yakareba zvichiita kuti mbeu dzedu dzirege kukurumidza kuomerwa.

Paya panenge pachipisa zuva, hunyoro hautizi kubva muvhu (evaporation).
Chechipiri, nekufamba kwenguva, gumbeze rinozoora roita manyowa kana kuti mupfudze.
Izvi zvinoita kuti mbeu dzedu dzizowana chikafu chakaringana uye manyowa anoita kuti ivhu redu rigone kubata mvura kwenguva yakareba uye kuti mhepo/mwando unyatsotenderera muvhu zvakanaka.

Chetatu, gumbeze rinochengetedza kutonhorera kwevhu, zvichireva kuti nguva yakunonyanya kupisa gumbeze rinoita kuti ivhu ritonhorere uyewo nguva yakunonyanya kutonhora gumbeze rinoita kuti ivhu redu ridziye.

Moto wesango

Gumbeze inzira yekudzivirira muvengi wedu mukuru, sora. Murimi akawaridza gumbeze rake nenguva, dambudziko resora rinoderera chose.  Kunyangwe sora rikamera, harikwanisi kukura zvekukanganisa mbeu dzedu.

Chekupedzisira, gumbeze rinoita kuti mashizha embeu dzedu asabatana nevhu zvinova zvinodzivirira zvirwere zvinokwanisa kutapurirwa kubva muvhu zvichienda pambeu dzedu.
Goho guru pakamunda kadiki ndokuti Pfumvudza.

Gumbeze raMwari ndokuti Pfumvudza. Mwaka uno, hurudza ngadziwande kudarika varimi, ndiko kuti matura enyika azare.

Share This:

Sponsored Links