GURU NEMATUMBU

03 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
GURU NEMATUMBU

Kwayedza

MAGURU akamonwa nematumbu usavi hunonaka zvikuru uye hune mapuroteni ayo anovaka muviri.

Svondo rino Tanaka Moyo wekuNgundu, kuMasvingo, anotsanangudza mamwe mabikirwo ehusavi uhu.

Zvinodiwa:

Hadyana kana poto, maguru, matumbu, matomatisi, muriwo wetsunga, hanyanisi, munyu nemafuta.

Mabikiro:

Cheka maguru muzvidimbu woageza kusvika achena.

Tora matumbu usvine ugoageze achene.

Monera matumbu pamaguru zvakanaka.

Gadza pamoto woisa mvura nemunyu wakaringana.

Siya zvikwate kwemaminitsi makumi matatu.

Kana muto wava mushoma, chekerera hanyanisi nematomatisi.

Isa mafuta mashoma ukange asi usakanganwe kusiya muto.

Bika muriwo wetsunga parutivi.

Chipakura uzvirume zvako rurimi nekunakirwa pamwe nemhuri.

Matumbu akasangana nemaguru anodyiwa nesadza jena, rezviyo, remhunga kana remapfunde.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281 kana email inoti: [email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey