Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kutsvaga murume akaba mari inosvika US$300 000 nechikiribidi pane imwe kambani kuBulawayo.
Mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, vanoti vari kukumbira kuruzhinji kune vangazive kunogara murume uyu, uyo akangozivikanwa nekuda kwemufananidzo wake chete uye asina kudonwa zita rake.
“Murume ane mufananidzo watinawo uyu ari kutsvagwa nemapurisa nekuda kwemhosva yekuba mari nehukopokopo inokwana US$300 000 pane imwe kambani muguta reBulawayo ndokubva angonyangarika,” vanodaro Comm Nyathi.
Vanoti mari inosvika US$10 000 iri kuvimbiswa kupihwa kumunhu achabatsira kuti nhubu iyi ikwaniswe kusungwa.
“Chipo chemari inoita US$10 000 chiri kuvimbiswa kuzopihwa kumunhu chaiye achapa mashoko echokwadi neumboo zvichaita kuti murume uyu asungwe nekuwanikwa paari chaipo. Kune vane zvavanoziva munyaya iyi vanofanirwa kuridza nhare panhamba dzekumuzinda wemapurisa kuPGHQ paComplaints Desk dzinoti (0242) 703631 kana dzeWhatsApp dzinoti 0712 800 197,” vanodaro Comm Nyathi.
Vanoti mapurisa kumativi mana enyika ari mubishi kurwisa mabasa ehukopokopo nekuparwa kwedzimwe mhosva dzakasiyana.