Uncategorized

Guva idzva rakafukunurwa

06 May, 2021 - 13:05 0 Views
Guva idzva rakafukunurwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MHURI inogara mubhuku rekwaRudhanda riri kwaMambo Bota, kuZaka, kudunhu reMasvingo izere nekutya kukuru mushure mekunge guva remwanasikana wayo, uyo wavainge vachangobva mukuviga, rakafuma rakafukunurwa.

Guva rakafukunurwa iri nderaEvidence Chengetanai (30).

VaAntony Chengetanai (52), vanova baba vemufi, vanoti mwanasikana wavo akafa mushure mekurwara kwenguva pfupi ndokunoviga mutumbi wake pamarinda emusha wavo.

“Mwanasikana wangu akarwara kwenguva pfupi tikazoviga mutumbi wake pamarinda atinoviga vehukama kuno.

Takazomukira kumarinda setsika yedu tikanowana guva iri rakafukunurwa kumusoro kuine mwena wakadzika zvikuru, asi paisava netsoka dzevanhu kana matsimba emhuka. Izvi zviri kutinetsa kuti mwena uyu wakavhurwa nani?” vanodaro VaChengetanai.

Vanoti setsika yechivanhu, vaiva vasiya parinda iri patsvairwa nevaroora kuitira kuti rechimangwana pazomukirwa pachionekwa kuti harina kutambwa naro here.

“Taona mashura aya, takazotsvagawo maporofita nevechivanhu avo vanotitaurira kuti pane varoyi kana kuti vanhu vanoshereketa vakashanyira guva iri vakatsipika mweya wemwana wangu. Hazvina kubuda pachena kuti mutumbi wemwana wangu uchirimo here muguva umu kana kuti wakatotorwa. Vemweya ivava ndivo vakazofushira gomba iri,” vanodaro VaChengetanai.

Mhuri iyi inoti mushure memazuva matanhatu nyaya iyi yaitika, vakazotanga kunzwa mutsindo wemunhu anofamba nekumhanya achitenderera pamba achibva nekudivi kwavakaviga mutumbi wemwana wavo uye dzimwe nguva vachinzwa vanhu vanotaura asi vasingaonekwe.

“Dambudziko ratatarisana naro nderekuti kune vanhu vanofamba nekumhanya panze vachitaura. Pamwe pacho vanoita sevakamira asi tikatarisa hapana chatinoona zvekuti tave kufungira kuti pamwe mwana uyu ava kumuka chipoko. Tava kugara tichitya zvikuru,” vanodaro.

VaChengetanai vanoti vane fungidziro huru yekuti pamwe kufukunurwa nekutorwa kwevhu repaguva iri kune chekuita nemanenji ave kuitika.

“Vamwe vari kuti mweya wemwana uyu unogona kunge wakamutswa nevaroyi wava kuushandiswa kuita mabasa avo vachidzoka pamba pedu. Chichemo changu ndinoda kubatsirwa nevanogona vechipositori kana n’anga. Hatichakwanisa kurara pamba nekuda kweruzha rwemutsindo,” vanodaro VaChengetanai.
Vanoti nyaya yekufukunurwa kweguva remwana wavo iyi havana kukwanisa kuimhan’ara kumapurisa.
Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanokwanisa kuridza nhare panhamba dzinoti 0785 338 353 votaura naVaChengetanai.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dehwa, vanoti nyaya iyi yaifanirwa kusvitswa kumapurisa kuti igoferefetwa.

“Tinokurudzira kuti pakaitika nyaya dzakadai, mapurisa vakurumidze kuziviswa kuti kutsvagwe chaizvo zvinenge zvaitika nekuti panogona kunge paine mhosva yakaparwa,” vanodaro Insp Dehwa.

Mbuya Sarudzai Jaravaza vekuMbare, avo vange vakafanobata chigaro chemukuru wesangano rinomirira vanachiremba vechivanhu reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA), vanoti guva iri rinogona kunge rakafukunurwa nevanhu vanoshereketa.

“Mhuri iyi inoda kubatsirwa nekukasika, mweya wemwana wavo unogona kunge wakatorwa nevaroyi vave kutoushandisa,” vanodaro Mbuya Jaravaza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey