Uncategorized

Guva rakafukunurwa ka2

10 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Guva rakafukunurwa ka2 Guva remwana rinonzi rakafukunurwa — Mifananidzo naKimberley Kazungu

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MHURI yepapurazi reEdsley kana kuti Hampton, riri pakati peEpworth neGoromonzi, nguva yadarika yakava nekushamiswa kukuru apo guva remwana mucheche rakafukunurwa, mutumbi wainge wavigwamo ndokuwanikwa wakaiswa parutivi pegomba uye usisiri mubhokisi.

Insp Tendai Mwanza

Mutumbi waPolite Sikakwingwi — uyo akashaika aine mwedzi mitanhatu yekuberekwa — ndiwo wakawanikwa wakafukunurwa muguva nguva pfupi yadarika.

Izvi zvakazoonekwa kwatopera mwedzi mishanu kubva pawakavigwa uye unonzi wakanga usina kuwora, uchitoita sekunge wakanga waomeswa.

Anod Sikakwingwi

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanoti vanoda nguva yekutsvaga chaizvo zvakaitika munyaya iyi.

“Tinokurudzira kuti vanhu vamhan’are kumapurisa nyaya dzakadai idzi kuti dzigoferefetwa pane kungotora mutumbi vachiviga voga patsva. Dzimwe nguva pane zvakaitika,” vanodaro.

Pakashanyira Kwayedza kunzvimbo iyi svondo rapera, vemhuri iyi vakagurwa kunorira apo vakasvikowana guva iri rakafukunurwa kechipiri zvisinei nekuti paisava netsoka dzemunhu kana matsimba emhuka.

Kwayedza yakatozvionera gumbeze reruvara rweblue rakavigwa naro mwana uyu riri kunze kweguva.

Buhle Ncube (19) anova amai vemuchakabvu anotsinhira manenji aya.

“Mwana haana kurwara asi akangochema kamwechete husiku achibva angonyarara tikambobvunzana nemurume wangu, Anod Sikakwingwi (19), kuti ainge aita sei? Vehukama ndivo vakazotiudza kuti mwana ainge atofa kare ratova rechimangwana racho,” anodaro.

Ncube anoti vakazotaurira machembere nevamwe vechikuru avo vakazoenda kunoviga mutumbi wemwana uyu anova wekutanga wemhuri iyi.

“Ini nemurume wangu hatina kuenda kunoviga mutumbi wemwana uyu setsika yechivanhu. Mushure memwedzi mishanu, takazoona tava kuvingwa nevamwe vechikuru vemukomboni matinogara vachiti guva remwana rafukunurwa, mutumbi ukaiswa panze panze zvese nebhokisi racho.

“Murume wangu akazoenda nevamwe vechikuru ndokunowana mutumbi uyu uri panze uye usina kuwora. Hanzi waiita sekunge wakasasikwa,” anodaro.

Ncube anoti vakazofamba kun’anga nekumaporofita vakaudzwa kuti varoyi vainge vauraya mwana uyu ndivozve vakamutora vakaenda naye, asi mweya wake wakaramba kuti mutumbi uyu udyiwe apo vakazouya vachiutsveta paguva iri.

“Kwakabuda mashoko ekuti chitunha chemwana wedu chakaramba kudyika apo mweya wake unonzi uri kurwisa varoyi vakamuuraya. Anonzi akati hamugone kundidya zvikaita kuti vamudzose paguva apa. Iniwo ndakamboita sekunge ndine pamuviri mwana achangofa asi pakazongoparara poga,” anodaro Ncube.

Mashoko aya anotsinhirwa nemurume waNcube, Sikakwingwi, achiti vave kutyira kuti vanotadza kuzoita mumwe mwana nekuda kwezvakaitika izvi.

“Mwana wedu haana kurwara akangofa nekuchema kamwe chete, ndakazoshevedzwa kubva kubasa makuseni ndichitaurirwa kuti ainge afa.

“Mwana iyeyu akaberekwa ari gavamwedzi ndokugara muchipatara apo akazoburitswa nguva yake yakwana. Akavigwa mushe ndokuzowana mutumbi wake wakafukunurwa,” anodaro.

VaRobert Mupariwa (58) vanove sekuru vemhuri iyi, avo vakazoviga mutumbi wemwana uyu kechipiri, vanoti aya mabasa evaroyi.

“Nyaya inonetsa apo takawana mutumbi wemwana uri kunze kweguva, usina kudyiwa kana kubviswa dzimwe nhengo asi waiva wakaomeswa zvekare usina kuwora. Zvino nhasi pamauya imi vatori venhau, taona futi kuti guva iri rakafukunurwa kechipiri. Hatichaziva kuti guva remwana uyu ndiro radii roga nekuti panovigwa zvitunha zvevana vakawanda pano,” vanodaro.

Vanotizve pekutanga pakafukunurwa guva iri, vakawana mutumbi uri kwawo woga, bhokisi riri kwarowo uye machira kwawo.

Mbuya Erinah Chikangi (70) avo vakabatsirawo mukuvigwa kwemutumbi wemwana uyu vanotiwo, “Guva iri rakafukunurwa kekutanga uye izvozvi kave kechipiri. Zvino toti kudii? Inga panovigwa vana vakawanda pano, zvave kuzoita kuti vamwe vatye kuviga mitumbi yevana vavo,” vanodaro.

Votaura nezviri kuitika izvi, Mbuya Alice Masoko Kwenda vekuLochnvar, muguta reHarare, vanoti mhuri iyi ngaifambe nguva iripo zvichitevera kufukunurwa kweguva remwana uyu.

“Dzimwe nguva mwana uyu akatomutswa nevaroyi vakamupindura kuita chidhoma, saka zvinoda kuti vafambe vagadzire mweya wemwana uyu usati watanga kuvarwisa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey