Gwirikwiti: Mhuri yafirwa nevana 7

25 Sep, 2022 - 13:09 0 Views
Gwirikwiti: Mhuri yafirwa nevana 7 Mwana ane gwirikwiti

Kwayedza

Morris Mkwate naSamuel Kadungure

ZVICHITEVERA kunyuka kwechirwere chegwirikwiti, vana vanomwe vemhuri imwe chete vekuHonde Valley nguva pfupi yadarika vakabatwa nedenda iri vose ndokufa.

Vana vanomwe ava vaive pakati pemakore matatu negumi nerimwe okuberekwa.
Vamwe vana vasere vemhuri yekwaRode vakapukunyuka denda iri mushure mekunge vabereki vavo vatora danho rekurega kutevedza mutemo wechechi yavo yechipositori vachibva vavaendesa kuchipatara kunovarapisa.
Nyaya dzezvitendero ndidzo dzimwe dziri kuita kuti vana vazhinji varasikirwe neupenyu.

VaTendai Rode vekuNyamaende, kuHonde Valley vachiri kunetsekana nekurasikirwa nevana vavo ava.
Vanoti pfungwa dzavo dzichakavhiringwa nerufu rwevana ava.

Muhurukuro, VaRode vanoti zvinorwadza kuviga vana vavo vakatevedzana panguva imwe chete.

“Ndakaroora madzimai matatu uye ndakakomborerwa nevana 15. Vana vangu vose vakabatwa negwirikwiti. Izvi zvakaitika mukati mesvondo rimwe uye pazuva resere, vamwe vevana vakatanga kubuda mapundu nekukosora.
“Zuva rakatevera racho, mwana wokutanga ane makore matatu akafa mangwanani. Mumwe wacho ane makore mana akafa masikati. Takavaviga mangwana acho mangwanani.

“Mumwe mwana ane makore mashanu akafa nechirwere chimwe chete mushure memazuva maviri. Pasina kana kudarika zuva, mumwe musikana aiita Grade 2 akabva afawo.

“Mumwe mwana akafa mangwana acho. Tose takarwadziwa nekuti vana vashanu vainge vafa nechirwere ichi mukati mesvondo rimwe chete,” vanodaro VaRode.

VaRode nemadzimai avo vakambotsveta dzidziso yechechi yavo padivi, ndokumhanyira kuchipatara nevamwe vana vairwara.

“Kuona vana vangu vachifa mumwe pashure pomumwe kwakaita kuti ndifungisise kaviri zvitendero zvangu zvorudzidziso. Ndakaona zvakachenjera kuti ndisiye zvechechi yangu ndiende nevana vangu kunorapwa kuchipatara.

“Zvisinei, mwana wangu ane makore 11 okuberekwa, uyo aibatsirwa kukiriniki, akafa manheru iwayo chaiwo. Mumwe wacho akafa mushure memazuva matatu.
“Saka vana vangu vashanu vakafa tisati taenda kunorapwa, vamwe vaviri vakazofa mushure mekunge taenda kukiriniki.

“Vana vose havana kubaiwa nhomba sezvo izvi zvichipesana nechitendero chedu.”
VaRode vanoenderera mberi vachiti, “Zvisinei, ongororo yakaitwa pavana vangu haina kukwana. Mapundu eganda akanga apera, asi kukosora kwakaramba kuripo.

“Chirwere ichi chakandidya zvakanyanya uye handina kana pekutangira. Upfumi hwedu hwose hwakapera pamariro evana vanomwe ava. ”

Kusvika svondo rapfuura, dunhu reManicaland raive nenyaya 3 010 dzevana vabatwa nechirwere chegwirikwiti apo 347 vakatofa, kunyanya kunzvimbo yeMutasa.

Panyaya idzi, 507 ndivo vakabaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere ichi ukuwo 1 982 havana.
Mukurwisana nechirwere chegwirikwiti, Hurumende yakaisa zvikwata kumativi ose enyika izvo zviri kufamba zvichibaya nhomba vana vane mwedzi mitanhatu kusvika pamakore 15 okuberekwa.

Chirwere chegwirikwiti chinokonzerwa nehutachiona hunopararira kubva kumunhu kuenda kune mumwe kuburikidza nemhepo, kusanganisira kufema, kukosora nekuhotsira.

Zviratidzo zvechirwere ichi zvinosanganisira kuita mapundu muviri wose, kunzwa kupiswa kwakanyanya, kukosora, kuyerera dzihwa nekutsvuku maziso achibuda misodzi. Chirwere ichi kana chikanonoka kurapwa chinogona kukonzera rufu.

Share This:

Sponsored Links