Gwirikwiti ramiswa kuManicaland

14 Dec, 2022 - 20:12 0 Views
Gwirikwiti ramiswa kuManicaland Mwana ane gwirikwiti

Kwayedza

Rumbidzayi Zinyuke uyo ange ari kwaMUTARE

ZVICHITEVERA kupararira kwange kwaita chirwere chegwirikwiti kudunhu reManicaland kubva kutanga kwegore rino, Hurumende yabudirira nechikamu che95 percent mukupa vana mushonga wekudzivirira denda iri.

Bazi rezveutano nekurerwa kwevana rakaparura chirongwa ichi nyika yose apo chirwere ichi chakatanga kupararira kuenda kune mamwe matunhu.

Vana vanosvika 444 413 vari pasi pemakore 15 ekuberekwa vakapihwa mushonga kunzvimbo dzinosanganisira Mutasa, Buhera, Chimanimani, Mutare neNyanga idzo dzaiva nevana vakawanda vakanga vabatwa negwirikwiti.

KuChipinge, muguta reMutare nekwaMakoni, vana 118 230 vari pasi pemakore mashanu vakapihwa mushonga uyu.

Gwirikwiti rakatanga kunyuka kwaMutasa munaKurume gore rino risati ratekeshera kuenda kune dzimwe nzvimbo munyika yose uko rakabata vana vakawanda vane makore ari pasi pemashanu okuberekwa.

Vana vanosvika 3 291 vanofungirwa kuti vakabatwa negwirikwiti mudunhu reManicaland uye 349 vavo vakafa.

Manicaland haisati yawana mwana mutsva akabatwa negwirikwiti kubva munaGumiguru.

Provincial Medical Director kuManicaland, Dr Munyaradzi Mukuzunga, vhiki rapera vakati vezveutano vanoshandira munharaunda vakashanda nesimba mukuona kuti vana vabaiwa nhomba dzekudzivirira denda iri risapararire.

“Kutenda kukuru kune vezveutano vanoshandira munharaunda nekuongorora nekuti munhu wekutanga akabatwa denda iri akaonekwa neveutano vemunharaunda. Izvi zvakaratidza kushanda kuri kuita Community Health Strategy mudunhu redu,” vanodaro.

Dr Mukuzunga vanoti mushure mekubatwa kwevana vashoma nedenda iri, dunhu ravo rakaita hurongwa nevatungamiriri venzvimbo, vezveutano vanoshandira munharaunda pamwe chete nebazi rezveutano kuti vawirirane kuti vana vowaniswa mushonga sei.

Vanoti kushanda pamwe chete uku kwakabatsira kuti chirongwa ichi chifambe zvakanaka kwaMutasa.

“Pakutanga, paiva nekufiwa kwakanyanya asi takazokwanisa kushanda nevemunharaunda kuti vana vawane mushonga kuitira kuderedza kupararira kwedenda iri. Vatungamiriri munharaunda nevakuru vemachechi vakabatsira zvakanyanya kuona kuti tasvika kuvanhu. Vamwe vanhu vaisarudza kuenda kumakiriniki kusati kwavhurwa, vamwe vaidawo kuuya husiku saka taiona kuti takasira kuvhura uye kunonoka kuvhara.

“Tine vamwewo vaida kuti tiendese zvikwata zvevarapi kwavanogara naizvozvo takawirirana navo nzvimbo nenguva zvakaita kuti tive pavaida nenguva dzacho dzatinenge tawirirana. Pakaitwa mushandirapamwe padambudziko iri zvikatibatsira kuderedza kupararira kwedenda iri,” vanodaro.

Izvi ndizvo zvakaitwa zvakare kuBuhera, kwaMutare, Chimanimani nekuNyanga kunova kwanga kwatekeshera denda iri zvakanyanya.

Manicaland yakambosangana nedambudziko regwirikwiti mumakore apfuura uye Hurumende inoramba ichipindira munyaya dzekuderedza kupararira kwaro kuitira kuti pasaite vana vanofa nechirwere chinokwanisa kudziviririka.

Dr Mukuzunga vanoti nzira dzekufambisa mashoko munharaunda dziripo dzakabatsira zvakanyanya mukuderedza kupararira kwegwirikwiti.

“Chimwe chinhu chikuru chandakaona chakakosha kuterera zvinotaurwa nevanhu vemunharaunda uye kuwirirana nzvimbo dzinoda kubatsirwa nekukasira.

“Chinangwa chikuru kubatsira nharaunda dzawirwa nedambudziko,” vanodaro.

Gwirikwiti chirwere chinopararira nekukasira uye chinonyanya kubata kuvana. Chinopararira nekugumhana kana kukosora. Zviratidzo zvinosanganisira kukosora, kupindwa nechando nekuita mapundu pamuviri.

Vana vasina kudzivirirwa ndivo vari panjodzi huru yekufa negwirikwiti.

Muna 2010, Zimbabwe ndipo payakasangana nedambudziko guru regwirikwiti apo pakabatwa vana 10 000 nechirwere ichi uye 500 vakafa.

Share This:

Sponsored Links