Haa, ini ndiri kufara ini: Chunga

16 Sep, 2021 - 17:09 0 Views
Haa, ini ndiri kufara ini: Chunga Moses Chunga

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa munhabvu – Moses “Bambo” Chunga –  ari kukurudzira vatambi kuti vasatore zvinodhaka pamwe nekuzvininipisa kana vachida kusvika kure mumutambo uyu uye kuti vagopihwa ruremekedzo serwaakapihwa neSakunda Holdings rweimba.

Nemusi weChipiri, chamangwiza weSakunda Holdings, Kuda Tagwirei, akapa dzimba nhatu kune shasha dzakambonetsa munhabvu dzinoti mhuri yemushakabvu George “Mastermind” Shaya, Madinda Ndlovu naChunga.

Mhuri yaShaya yakapihwa imba inokosha US$120 000 kuchiti Chunga naMadinda vakapihwa yake yake dzinokosha US$90 000.

Achitaura neKwayedza, Chunga anoti zvinhu zvinofadza kupihwa ruremekedzo urwu.

“Ndinonzwa mufaro mukuru uye ndinozvininipisa chaizvo nekurangarirwa uku. Ndiwo mabasa ekushanda nesimba aya.
“Kune vachidiki ndinoti shandai nesimba kuti mugosvika patasvikawo mugorangarirwawo.
“Musatore zvinodhaka nekuti zvinokanganisa miviri, hapana kwazvinokusvitsai. Tererai zvamunoudzwa nevarairidzi venyu kuti mugobudirira mumutambo uyu,” anodaro Chunga.

Vachitaurawo, mudzimai waShaya – Gogo Agnes Shaya – vanoti hapana chavati vanzwa nezvekupihwa imba.
“Pari zvino hapana ati auya kwatiri kuzonyatsotiudza kuti zvakamira sei chaizvo, tiri kungonzwa zvichingotaurwa nevanhu chete.

“Iye zvino tiri kumba hedu sezvo tichiri kuchema baba vedu vakabva kutisiya,” vanodaro Gogo Shaya.
Kwayedza yakaedza kutaurawo naMadinda asi nhare yake haina kubatika.

Kambani yeSakunda Holdings iri kutsigira zvikwata zvakatambirwa nevatambi vatatu ava, Dynamos neHighlanders, nemari inosvika US$5,4 miriyoni iyo vachange vachipihwa US$890 000 mwaka woga woga kwemakore matatu anotevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>