Haisi nguva yekufunga nhabvu, asi upenyu: PSL

14 Jul, 2021 - 10:07 0 Views
Haisi nguva yekufunga nhabvu, asi upenyu: PSL Kenny Ndebele

Kwayedza

Abel Ndooka

PREMIER Soccer League (PSL) inoti ichamirira kuudzwa pamwe nekupihwa mvumo neSport and Recreation Commission (SRC) kuti nhabvu izotanga kutambwa zvekare zvichitevera kumiswa kwayakaitwa pamwe chete nemimwe mitambo apo mukombe weChibuku Super Cup wange uri pakati pekutambwa.

Nguva pfupi yadarika apo huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 hwakatanga kukwira zvekare, SRC yakamisa mitambo yose kunze kweyezvikwata zvichamirira nyika zvinosanganisira maWarriors ayo ari kuSouth Africa uko ari mumitambo yeCosafa Cup kozoita chikwata chenyika checricket chemaChevrons chiri kubandana necheBangladesh mumitambo yeTest match, one day international netwenty20 series.
Achitaura neKwayedza svondo rino, chamangwiza wePSL – Kennedy “Kenny” Ndebele – anoti sePSL, vari kukoshesa mitemo yose yeHurumende yekurwisa denda reCovid-19 uye havasi kufunga nezvekudzoka kwenhabvu pari zvino sezvo chinhu chikuru chavari kukoshesa utano neupenyu hweveruzhinji.

“Utano neupenyu hweruzhinji ndizvo zvakakosha panguva ino, saka ngatimbomire zvekufunga kuti nhabvu inodzoka rinhi kana kuti tichatanga kuitamba rinhi apo vamwe vanhu vari kufa.

“SePSL tiri kutevedzera zvose zvatinenge taudzwa kuti tiite neSRC neHurumende nekuti denda iri riri kuuraya vanhu uye nguva ino yatiri haina kumira zvakanaka zvachose. Kana nguva yekuti nhabvu ichidzoka ikakwana ndine chivimbo kuti SRC ichatizivisa ipapo tobva tasimudzira mutambo weChibuku Super Cup uyo watakambosendeka parutivi kwazvino.

“Ino inguva yekuti tichengetedze upenyu hweveruzhinji,” anodaro Ndebele.
Ndebele anoenderera mberi achiti kudzoka kwenhabvu yePSL kuri mumaoko eSRC saka naizvozvo ivo vachangotevedzera gwara ravanenge vaziviswa kuti vagofamba naro.

“Zvinhu zvose zviri mumaoko eSRC, isu hatikwanise kupikisa mitemo yeHurumende. Covid-19 iriko uye kana zvichinzi mitambo imbomira kuitira kuti vanhu vachengetedzeke, ndizvo zvatinotevedzera izvozvo.

“Saka gwara ratichapihwa maringe nekuzodzoka kwenhabvu zvose zviri mumaoko eSRC, ndiyo inotiudza zvekuti totevedzera saizvozvo,” anodaro.
Apo zvimwe zvikwata zvange zvichiendesa vatambi vazvo kunobaiwa nhomba yeCovid-19, Kwayedza yakaedza kubvunza kuna Ndebele kuti vari kuona sei mafambiro ari kuita nyaya dzekubaiwa kwenhomba yeCovid-19 muzvikwata zvavo uye zvikwata zvose zvati zvaenda here, iye ndokupindura achiti, “Panguva ino hatisati tave kukwanisa kutaura nezvenyaya iyoyo, tichazokuzivisai pamberi apo kuti zvingani zvabaisa vatambi vazvo nhomba yeCovid-19.

“Asi semutemo wenyika wekudzivirira kupararira kweCovid-19, zvakakosha kuti munhu wese anobaiwa nhomba yeCovid-19.”

Share This:

Sponsored Links