Hakuna chinokunda rudo: Moroka

10 Nov, 2022 - 08:11 0 Views
Hakuna chinokunda rudo: Moroka Vince Cutter

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI weAfro-Jazz ari kusimukira, Moroka Vincent, akagara mudenga rechinomwe zvichitevera kutambirwa kuri kuitwa kambo kake katsva kanonzi Manduwe ako anoparidza nyaya dzerudo.

Vince Cutter, sezita rake remadunhurirwa, anoti kambo aka kanodzidzisa vanhu kuti vagare murudo nguva dzose uye vasarege kuitira vamwe zvakanaka nekuti kugara murudo kunovaka uye nekusimudzira nharaunda.

Anoti hakuna chinhu chinokunda rudo pasi pano.

“Hakuna chinhu chakakosha serudo saka ndinokurudzira veruzhinji kuti ngavagare vari murudo nguva dzose nekuti mhirizhonga haibatsire.

“Tikagara tichingorwisana chete, mangwana munhu ukapinda mudambudziko unozobatsirwa nani?

“Saka ngatitungamidze rudo mberi nguva dzose,” anodaro.

Vince Cutter akatanga zvemhanzi mugore ra2013 apo akabura dambarefu rake rekutanga rinonzi Misi Nenguva iro rakazoteverwa nemamwe maviri anoti Take It Simple uye Back In Town.

Kubva apinda mune zvemhanzi, akwanisa kushanda nevamwe vaimbi vanosanganisira Jah Master, Pastor Olinda Marowa naRomania Jas.

Anoti kushanda nevamwe vaimbi kwakakosha sezvo kuchibatsira kusimukira kweindasitiri yezvemimhanzi.

“Vaimbi ngatishande pamwe chete nekuti zvinotibatsira kuti tese tisimukire uye mhanzi yedu inonyanya kutambirwa zvakanyanya,” anodaro Vince Cutter.

Share This:

Sponsored Links