‘Hakuna DeMbare yakadaro’

03 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
‘Hakuna DeMbare yakadaro’ Kudzanayi Dhemere

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI wenhabvu weDynamos FC, Kudzanayi Dhemere, anoti matambiro akaita chikwata chavo mwaka wadarika haana kufadza izvo zvakachiona chichipedza chiri pechipfumbamwe palog reCastle Premiership.

Zvikuru zvaitarisirwa kubva kuDeMbare nevatambi vayo vanosanganisira Dhemere, Ngandu “Moto-moto” Mangala naEdward Sadomba asi yakakundikana kurwira mukombe wePSL.

Izvi zvakaona chikwata ichi chichishandura murairidzi wacho mwaka uri pakati apo pakadzingwa Lloyd “Mablanyo” Chigowe akatsiviwa naTonderayi Ndiraya.

Ndiraya akakwanisa kudzikamisa chikwata ichi  akachitungamira chikapedza chiri pechipfumbamwe palog.

Muhurukuro neKwayedza, Dhemere – uyo vazhinji vaitarisira zvikuru kwaari kuti ndiye mumwe wevatambi vachatungamira chikwata ichi kurwira mukombe wePSL – anoti gore radarika harina kufamba sezvavaifungira.

Anoti vanofanirwa kutokunya dzisimbe mwaka uri kutevera kuitira kuti DeMbare idzokere pachidanho chayo chakare apo yaizezesa munyaya dzenhabvu munyika muno.

“Patakapedza tiri hapasipo pataida kupedza tiri. Gore rino range riri rekudzidza uye takadzidza zvakawanda,” anodaro.

Kupera kwemwaka wadarika kwakaonawo kondirakiti yake kuDeMbare ichipera uye anoti ari kutarisira kuti apihwe imwe gore rino apo anoda kushanda nesimba.

“Izvezvi handizive kuti ndiri kuita sei asi chishuvo changu kuti ndirambe ndiri kuDeMbare, ndipihwe imwe kondirakiti uye kana ndapihwa ndichashanda nesimba ndigobatsira chikwata chedu tirwire mukombe wePSL. Ichi chishuvo chezvikwata zvese zvinokwikwidza muPSL uye isu tinofanirwa kuonekwa tiripo tichirwirawo mukombe mukuru muno munyika,” anodaro Dhemere.

DeMbare yakapedzisira kusimudza mukombe weCastle Premiership mugore ra2014 apo yairairidzwa naKalisto Pasuwa.

Kubva kwakaita Pasuwa kuchikwata ichi, hachina kuzombohwina mukombe uyu zvakare kunyangwe hazvo makore matatu anoti 2015 na2017 chaipedza chiri pechipiri palog.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>