‘HAKUNA MAWARRIORS AKADARO’

05 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
‘HAKUNA MAWARRIORS AKADARO’

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chenhabvu chenyika chemaWarriors chakaenda kumakwishu eAfrica Cup of Nations (Afcon) egore rino ndicho chakatamba zvinonyadzisa kudarika zvimwe zvikwata zvose zvakamboenda kumutambo uyu makore adarika sezvo chakanwisa chibodzwa chimwechete pamitambo yacho mitatu yachakatamba.

Zvikuru zvaitarisirwa kubva kuchikwata ichi asi chakangodzoka ari maoko chete murwendo rwekuEgypt uko kwainge kuzere nemakakatanwa pakati pevatambi vemaWarriors – avo vairairidzwa naSunday ‘Mhofu’ Chidzmbwa – nehutungamiri weZimbabwe Football Association (Zifa) pamusoro penyaya yemari nezvimwe zvakasiyana.

Vatambi vemaWarriors pavaive kuEgypt vakamboranwa kutamba mitambo yavo vachiti vaida kubhadharwa mari yavo.

Kumakwishu aya — ayo ari kuenderera mberi kuEgypt —  maWarrrios akangonwisa kamwechete chinova chibodzwa chakanwiswa naKhama Billiat pamutambo wavo wechipiri uyo vakaita mangange 1-1 neUganda.

Mimwe mitambo miviri, maWarriors akakundwa 1-0 neEgypt kozoti 4-0 neDemocratic Republic of Congo.

Muongororo yakaitwa neKwayedza svondo rino, zvakaonekwa kuti pazvikwata zvina zvakaenda kumakwishu eAfcon zvichimirira Zimbabwe mumakore anoti 2006, 2004, 2017 ne2019 chegore rino ndicho chakatamba zvinonyadzisa.

Mugore ra2004 – iro raive rekutanga maWarriors achibudirira kuenda kumakwishu eAfcon ayo akaitirwa kuTunisia — chikwata chenyika ichi chairairidzwa naChidzambwa uye chaive muboka reGroup C nezvikwata zvinoti Egypt, Cameroon neAlgeria.

MaWarriors akakwanisa kuhwina mutambo mumwechete apo akakunda Algeria 2-1 uye akazokundwa mimwe miviri apo akarohwa 2-1 neEgypt kozoti 5-3 neCameroon.

Kumakwishu aya, maWarriors akakwanisa kunwisa katanhatu iwo ndokunwiswa nezvimwe zvikwata kanokwana kasere.

Afcon yaitevera ya2006 yakaitirwa kuEgypt, maWarriors aitungamirwa naCharles Muhlauri uye aive muboka raive nezvikwata zvinoti Nigeria, Senegal neGhana.

Kumakwishu aya, maWarriors akakwanisa kuhwina mutambo mumwechete apo akakunda Ghana 2-1 asi ndokukundwa mimwe miviri – 2-0 neSenegal kozoti 2-0 zvakare neNigeria.

Mugore ra2006 iri, chikwata chaMuhlauri chakakwanisa kunwisa kaviri mumitambo mitatu yachakatamba uye icho chikanwiswa kashanu nezvimwe zvikwata zvaive muboka rimwechete nacho.

MaWarriors akazombomira kukwikwidza kumakwishu aya ndokuzodzokera mugore ra2017 kuGabon apo airairidzwa naKalisto Pasuwa.

Chikwata chaPasuwa chaitungamirirwa naWillard Katsande ari kaputeni uye chaive muboka reGroup B rezvikwata zvaiti Senegal, Tunisia neAlgeria.

MaWarriors panguva iyi haana kumbohwinha mutambo mumwechete zvawo sezvo akaita mangange  2-2 neAlgeria mumutambo wawo wekutanga ndokuzokundwa mimwe miviri yaitevera, 2-0 neSenegal uye 4-2 neTunisia.  Gore iri, chikwata ichi chakakwanisa kunwisa kana icho ndokunwiswa kasere nezvimwe zvikwata zvaive muboka iri.

Chikwata cha2017 chaive nevamwe vatambi vanosanganisira Knowledge Musona, Billiat, Danny ‘Deco’ Phiri, Nyasha Mushekwi, Teenage Hadebe, Kudakwashe Mahachi, Evans Rusike, Lawrence Mhlanga naMarvelous Nakamba avo vanove vaive zvakare muchikwata chegore rino.

Vatsigiri venhabvu vakaita hurukuro neKwayedza svondo rino vari kudya magaka mambishi vachiti matambiro akaitwa nemaWarriors kuAfcon rwendo rwuno anonzwisa hasha.

Sunday ‘Mhofu’ Chidzambwa

Munyori mukuru wesangano reFriends of the Warriors — Zivanai Muwashu — anoti vatambi ava vakarakidza kuti havana nyika pamwoyo asi chavanongoda imari chete.

“Hatisi kufara nezvatakaona kuCairo, shuwa ndizvo zvavakaendera here ikoko kunonyadzisa nyika yese? Dai vange vasingade zvemaWarriros vasina kumbobvira vaenda vakagara kumusha, paitsvagwa vamwe vaienda.

“Shuwa kutishoresa zvakadaro, Khama Billiat mukatarisa aitamba ega nhabvu kumakwishu aya, vamwe vatinoti ndivo kaputeni wedu kupotsa ega gedhe, aiwa zvinonyadzisa izvi,” anodaro Muwashu.

Mutsigiri wenhabvu ane mukurumbira Chris ‘Romario’ Musekiwa anoti hazvina kunaka chose kuti vatambi vasvike pakuramba kutamba nhabvu nekuda kwemari.

Anoti mune ramangwana Zifa inofanirwa kugadzirisa nhau idzi kuti zvakaitika kuEgypt zvisadzokorodzwe.

“Hazvina kunaka zvakaitika kuti Zifa inozotanga kutsvaga mari nguva yapera yekupa kune vatambi vemaWarriors. Mari ngaitsvagwe nguva iripo kuti vatambi vasazorambe kutamba izvo zvakazoitika, iye zvino zvakazokanganisa murairidzi basa rake. Vanhu iye zvino vave kuti ngaadzingwe basa asi havachatarise zvimwe zvikonzero zviitika kumakwishu aya. Asi Zifa ndiyo inoziva kuti ichiri kumuda here kana kuti vomudzinga.

“Zvakaitika zvakatodarika saka ngatichitange kugadzirira mitambo inotevera tione kuti togadzirisa papi pakanganisika. Vakomana kutamba vakatamba zvavo asi kumberi uko hapana zvavaiita.

“DRC takaidherera ndiko saka takazozvamburwa, Elvis Chipezese (mubati wepagedhi wemaWarriors) hapana hake zvaaikwanisa kuita nekuti chikwata cheDRC chaiuya kunge nyuchi. Tinopa sando kuna Billiat akatamba zvinofadza mumitambo yose,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey