Hakuzenge kufara ikoko: Kwangwa

17 Oct, 2019 - 11:10 0 Views
Hakuzenge kufara ikoko: Kwangwa Felistas Kwangwa

Kwayedza

Abel Ndooka

KEPUTENI mutsva wechikwata chenetball chenyika chemaGems, Felistas Kwangwa anoti chiremerera chikuru chaakapihwa kuti atungamire apo vari kunokwikwidza kumakwikwi eAfrica Netball Championships achaitirwa kuSouth Africa kutanga nemusi weChishanu chino.

Kwangwa ndiye akagadzwa kuve kaputeni wemaGems zvichitevera kuenda kwaPerpetual Siyachitema uyo akasiya chikwata ichi chichangobva kumakwikwi eVitality World Cup ayo akaitirwa kuLiverpool nguva yadarika.

Achitaura neKwayedza ari muHarare svondo rino apo maGems akapihwa $250 000 nekambani yeNational Foods yekutsigira chikwata ichi kuti chiende kunokwikwidza kuSouth Africa, Kwangwa anoti ari mudenga rechinomwe.

“Kwandiri zvinhu zvinofadza, zvinorakidza kuti ndiri kushanda nesimba mubasa rangu uye matambiro andiri kuita anoyemurwa zvikuru.

“Izvezvi tarisiro yangu kuti nditungamire chikwata chedu kuSouth Africa tinohwina. Tinoda kuti mukombe uuye kuno uye tiende pamusoro peSouth Africa neUganda pamaWorld rankings.

“Kutsiva Perpetual Siyachitema hakusi nyore asi ini ndichashanda nesimba kuti ndinyore nhoroondo yanguwo,” anodaro Kwangwa.

Makwikwi e2019 Africa Netball Championship achange aine zvikwata zvinomwe.

MaGems akaiswa muboka remuPool B iro rine Uganda, Kenya neEswatini.

“Hatisi kudzokera shure sechikwata, tarisiro yedu kuti titambe zvakare kuWorld Cup uye 2023 tinenge tiriko kuCape Town, kuSouth Africa, uko kuchaitirwa mitambo iyi,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links