Get breaking news alerts.
Don't miss a thing.
Subscribe

Hama dzemurume wekuzviuraya dzotsvagwa

07 May, 2024 - 14:05 0 Views
Hama dzemurume wekuzviuraya dzotsvagwa Murume asati azivikanwa ari pamusoro pechivakwa apo akazozvidonhedzera pasi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti ari kutsvaga hama dzemurume akafa mushure mekusvetuka kubva pamusoro pekamuri yechina yechivakwa chemudurikidzwa mudhorobha reKwekwe nemusi wa19 Kubvumbi achibva anorovera pasi.

Izvi zvinonzi zvakaitika nenguva dza7 mangwanani pasina kuzivikanwa kuti murume uyu aiva arwadziwa nei kuti asvike pakuzvikanda pasi achibva pamusoro pechivakwa ichi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanotsinhira nyaya iyi.

“Nemusi uyu, murume uyu — uyo asina kuzivikanwa zita rake — akasvetuka kubva mukamuri yechina yechivakwa ichi kuKwekwe ndokunorovera pasi nemusoro achibva angofa ipapo. Mapurisa vakaziviswa nezvechiitiko ichi vachibva vazotakura mutumbi wake ndokuenda nawo kuchipatara cheKwekwe General Hospital uko uri,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti vari kukumbira veruzhinji vanoziva murume uyu kana hama dzake kuti vazivise mapurisa ari pedyo navo.

“Semapurisa, tinokurudzira vanhu kuti vatsvage kubatsirwa nenyanzvi uye nevamwe vanhu kana vaine matambudziko nezvimwe zvinovanetsa, vowana mazano chaiwo anovabatsira pane kuzviuraya,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey