Hama dzemushakabvu dzotsvagwa 

24 Feb, 2023 - 17:02 0 Views
Hama dzemushakabvu dzotsvagwa  Insp Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe vari kutsvaga hama kana vanhu vanoziva mutumbi wemurume wakachengetwa mumochari yechipatara cheGokwe North District Hospital kubva nemusi wa2 Gumiguru gore rakapera kusvika pari zvino.

Mutumbi uyu unonzi wakawanikwa musango mumusha waSabhuku Marima kudunhu raMambo Chireya, kuGokwe nemusi wa2 Gumiguru gore rakapera.

Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti mutumbi wemurume uyu wakawanikwa nemunhu aidarika nemugwagwa.

“Munhu aitodarika zvake nemugwagwa ndiye akaona mutumbi uyu achibva amhanya kunozivisa mapurisa. Zvakadai, vagari vemunzvimbo iyi hapana akakwanisa kuziva mufi uyu uyewo zvinotaridza sekuti murume uyu airwara nepfungwa uye haana kuzivikanwa kuti aibva kupi,” vanodaro Insp Mahoko.

Murume uyu anonzi aiva akapfeka mbatya dzinosanganisira green track bottom, asina hembe nebhutsu uye anofungidzirwa kuti aive nemakore ari pakati pe35 kusvika 40 okuberekwa.

“Kusvika pari zvino hatisati tawana hama dzemufi uyu kunyange tiri kuedza nepatinogonera semapurisa asi hapana chiri kubuda. Tinokurudzira vanhu vari kushaya hama yavo yechirume kuti vabate mapurisa epakamba yeNembudziya kuti mutumbi uyu uzivikanwe,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links