Hama inotonga mumba ndeipi?

17 Jun, 2021 - 13:06 0 Views
Hama inotonga mumba ndeipi?

Kwayedza

Kingstone Mapupu

ANOTONGA kana kudiwa pamusha pakati pehama dzemurume kana kuti dzemukadzi vari muwanano ndiani?

Kwayedza svondo rino inoita ongororo pamusoro penyaya iyi ndokunzwa mavhu nemarara.
VaGivemore Matanhire (52) vanogara kwaSabhuku Kawere, kwaMutoko, vanoti hama dzinotonga mudzimba dzevanhu vakaroorana dzinosiyana misha nemisha.

“Ichokwadi kuti ungava murume akaroora kana kuti mudzimai akaroorwa, dzimba dzedu handisu tinodzitonga, dzinotongwa nehama dzedu. Vekumurume ndinoti ndivo vanonyanya nekuti vanenge vachigara nesu sekumusha kwangu ini murume hama dzemudzimai dzichiita zvekushanya.

“Saka pose panoitika zvinhu vanenge variko apo vekumudzimai vanotozoita zvekutaurirwa,” vanodaro VaMatanhire.

Vanoti dambudziko rinouya zvakare kana murume asingashande apo anoenda kubasa ari mudzimai zvinoita kuti hama dzake dzigare dzichida kuona kuti mari yake iri kushandiswa sei.
“Idambudziko guru kana isu varume tikatadza kuenda kumabasa tichiriritirwa nemadzimai. Hama dzavo dzinouya dzichida kuziva zvose zvatinoita nekutonga, kunyangwe mari chaiyo nezvatinoishandisa kuti ndezvipi,” vanodaro VaMatanhire.

Mai Rosemary Jumbe (47) vanobva kwaGutu, kuMasvingo vanoti hama dzekumudzimai ndidzo dzinonyanya kutonga dzimba dzevakuwasha.
“Dambudziko iri rinonyanya kana mudzimai akabva kumba kwevanhu vakapfuma iwe murume uri tsuro. Hama dzemudzimai dzinouya kuzokutongai nekuraira zvose zvekuti muite. Asi, mamwewo madzimai vanoguma vave kutsiura hama dzavo kuti vasadaro nekuti zvinodzikisira vakuwasha,” vanodaro Mai Jumbe.

Rosemary Jumbe 

Vanoti vamwe vabereki vakaendesa vanasikana vavo kuchikoro avo vanozoshanda mabasa epamusoro zvichiita kuti vabereki vavatevere kumba kwemukuwasha kunomutonga nemhuri yake.
“Izvi zvinoita kuti mukuwasha asamire panzvimbo yake sababa vemusha,” vanodaro Mai Jumbe.
VaPeter Sithole (43) vanobva kwaMambo Musikavanhu, kuChipinge vanoti hama dzemudzimai idambudziko pakuda kutonga musha wemukuwasha.

“Isu varume tiri mumatambudziko nehama dzemadzimai edu, vanoda kutonga zvose zvatinoita vasingatarise kuti mwanasikana wavo akaroorwa ava kuita zvekumba kwake. Unotonzwa vana tsano, ambuya kana vatezvara vachiti dai maona kuti gore rino matengawo mombe kana mimwe midziyo,” vanodaro VaSithole.

Peter Sithole 

Vanoti madzimai vanowirirana nazvo zvekuti misha itongwe nehama dzavo sezvo vachiita tsika yekuti kuvabereki vavo kugare kuchiendeswa mari nezvimwe zvinhu.

“Unonzwa zvichinzi nemadzimai tiendese magirosari kumusha kwavo ini kwangu kusina chinoenda.
“Seni, ndakatomboita dambudziko nemudzimai patakapihwa girosari rekusociety kwedu kupera kwegore, pandakaona rakamurwa richinzi rimwe rapihwa amainini vakaenda naro kumusha kunopa ambuya vangu ini wangu muchembere pasina chaakapihwa.

“Ndakazoramwa girosari rose iri vakariendesa kumusha kwavo ndikazotsvaga mari yekutengera vabereki vangu,” vanodaro VaSithole.

Mai Priscilla Mahitu (40) vekuRuwa, kumusha vachibva kwaMutasa, kwaMutare, vanoti hama dzekumudzimai ndidzo dzinonyanya kuda kutonga kudarika dzekumurume.

“Hama dzedu madzimai idambudziko guru, dzinopindira zvakanyanya mukugarisana kwedu nevarume vedu. Zvinonyanya kana mhuri yekumudzimai yakapfuma uyewo zvinofambirana nekuti mudzimai nemurume vanowirirana kusvika papi,” vanodaro Mai Mahitu.

Share This:

Sponsored Links