‘Hama tambirai kure neni’

29 Oct, 2020 - 11:10 0 Views
‘Hama tambirai kure neni’ Stanford Mutambanengwe

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

MURUME nemudzimai wake vanogara kwaZimunya, kwaMutare, vari kuudza hama dzavo kuti dzitambire kure uye kuti dzisasvike mamita 250 pedyo navo nekuti vari kuvapumha huroyi vachiti vane zvikwambo zvinoshinha nevanhukadzi nevanhurume vemumhuri iyi.

Stanford Mutambanengwe nemudzimai wake Eunice Mutambanengwe, avo vanogara mubhuku raDambakurimwa, vari kupomerwa kuti vane zvidhoma zvinoshinha nehama dzavo.

Vaviri ava svondo rapera vakazvuzvurudzira hama dzavo shanu kudare reMutare Civil Court vachida gwaro rinovadzivirira apo vaiti vari kutyisidzirwa kuti vachauraiwa nekuda kwenyaya yezvidhoma iyi.

Vakaendesa kudare Hardwork, Dontworry, Oncemore, Forget naBetty Mutambanengwe avo vakamiswa pamberi pemutongi  Notebulgar Muchineripi.

Stanford anochema-chema mudare achiti haadi kuti hama dzake dzisvike mamita 250 pedyo nepanenge paine mhuri yake.

Anoti hama dzake idzi dzine tsika yekumushanyira kumba kwake dzakapakata zvombo zvinosanganisira matemo, uta nemiseve dzichiti dzinoda kuuraya mhuri yake.

“Vanoda kutiuraya. Vanogara vachitityisidzira kuti vanoda kuuraya mhuri yedu yose. Vakatombozama kakawanda kuda kuuraya vemumhuri yangu nekudaro tave kugara tichitya. Vanotipumha huroyi vachiti tine chekuita nekufa kuri kuita vemumhuri yedu,” anodaro Stanford.

Anoti hama dzake shanu dzaakamhan’arira kudare vanhu vasina kunaka zvachose zvekuti vanogona kukuvadza mhuri yake.

“Havafanirwe kuuya kumba kwangu zvachose. Handidi kuvaona vose. Vanoti vari kutambudzwa nezvidhoma zvavanoti ndezvangu, asi ini handina kana chidhoma. Ndiri munhu anotya Mwari,” anodaro.

Vachipawo divi ravo, vashanu ava vanoti havana dambudziko nekugara kure nemhuri yaStanford.

Zvisinei, vakakumbira dare kuti ridzikise mamita avanofanirwa kugara vari kure nemhuri yaStanford, vachiti dzimwe nzira dzavanoshandisa kana vari kwavanogara dziri pedyo nepamusha wake.

Vanoti naivowo vanofanirwa kupihwa magwaro edziviriro, vachiti Stanford nemudzimai wake vanhu vemhirizhonga zvakare.

“Havafanirwe kutirambidza kutaura nevana vaStanford nekuti vave vanhu vabve zera,” anodaro Dontworry.

Mutongi Muchineripi akapa gwaro redziviriro kune nemumwe wevanomwe ava ndokuti vanofanirwa kugara vari kure nekure kwemamita 50 pakati pavo nechinangwa chekuchengetedza runyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>