Uncategorized

Hama yaShamba yazvisungirira

19 Nov, 2020 - 16:11 0 Views
Hama yaShamba yazvisungirira

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anova hama yaTafadzwa Shamba (40) — mumwe wevari kupomerwa kuponda mwana wekwaMurehwa — anonzi akangowanikwa akafa aine tambo muhuro nemusi weMuvhuro ikoko.
Tafadzwa ari kupomerwa kuponda Tapiwa Makore (Jnr) achibatsirana nababamukuru vemwana uyu vanonzi Tapiwa Makore (Snr), uyo waaishandira semufudzi wemombe.

Mutumbi wemwana uyu wakanhongwa usina musoro, maoko nemakumbo uye vaviri ava vakatosungwa pamwe chete nevamwe vemhuri yekwaMakore vachipomerwa mhosva iyi.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti mutumbi waJaphet Shamba (33) anove babamudiki vaTafadzwa wemubhuku raChinyani kwaMambo Mangwende, ikoko kwaMurehwa wakaonekwa nemusi weMuvhuro wakarembera mumuti chinhambwe chipfupi kubva pamba pavo.

Vanoti Japhet akangoshaikwa pamba nemusi weChina svondo rakapera.
“Tine hurombo nenyaya yemurume wekwaMurehwa ainzi Japhet Shamba (33) anova babamudiki vaTafadzwa Shamba (40) — uyo watakasunga nenyaya yekuponda Tapiwa Makore (jnr). Japhet Shamba anonzi akangobva pamba nemusi weChina svondo rakapera, mutumbi wake ndokuzowanikwa wakarembera mumuti padyo nepamba pavo mangwanani emusi wa16 Mbudzi,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Japhet anonzi akasiya anyora tsamba yaaikumbira ruregerero nekudemba kuti ainge atengesa chibage chose nembeu yenzungu zvaamai vake izvo zvaakaba mudura ravo.

Murume uyu anonzi aigara naamai vake nemudzimai wake nemhuri pamusha apa.
Asst Comm Paul Nyathi vanoti mutumbi wemuchakabvu wakaendeswa kumochari yechipatara cheMurehwa kunoongororwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey