Hana ichirira kunge ngoma yechigure

26 Jul, 2019 - 00:07 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA naIgnatius Mabasa
MUFONI mangu mune vanhu vane zita rekuti Vimbai vanosvika 6. Kune vamwewo vanhu anaVimbai vakawanda vandinoziva kunze uko asi vasiri mufoni mangu.

Vimbai izita rakanakana sezita rekuti Rudo. Asi nyangwe zita rekuti Vimbai richitikurudzira kuti tivimbe, haritaure kuti tivimbe nei. Kufanana nezita rekuti Rudo – hatizive kuti rudo rwuri kutaurwa nderwaani kana kuti rwaita sei.

Kana tikangonzi “vimbai” vamwe vakaita seni tinenge tave kuda kubvunza kuti “tivimbe nei?” Muhupenyu zvinhu zvinovimba nevanhu hazvipere. Kune vanovimba nerunako rwechiso, vamwe vachivimba nehuroyi, kana nemushonga wavakapihwa nen’anga. Kune vanovimba nembwa yavo zvekuti vanokuudza kuti pese pavanoenda kunovhima havadzoke vasina chinhu.

Neniwo ndichiri mudiki ndakambotumwa manheru pamwe chete nemunin’ina wangu kuenda padzimba dzaive pedyo nedzedu. Kwakanga kusiri kure kwataienda, asi taifanira kudarika chimwe chinzvimbo chaive nezvimakwenzi zvakawanda.

Takati tave kusvika panzvimbo ine zvimakwenzi iyi, takatanga kuitisana nharo kuti ndiani achafamba pamberi nekuti tese taitya. Pakupedzisira ini semukuru ndini ndakazoenda pamberi, asi hana yakanga ichirira kunge ngoma yechigure inoti mbam mbam mbam mba mba mba mbam!

Ndave pamberi, handina kukwanisa kufamba. Ndakati kumunin’ina wangu, pane chinhu chiri kufamba-famba kumberi kwedu.

Munin’ina wangu akatetsura mhere inotyisa, uye handizive kuti takasvika sei kumba, asi takamhanya kudarika imbwa shanu.

Takabvunzwa chataiti takanga taona. Ndichiri kuziva kuti ndakati, “Changa chichifamba-famba uye chakada kufanana nemunhu.”

Muzukuru wedu mukuru akabva asvika tiri pakati pekutsanangura. Akabva anzi atiperekedze. Mufaro watakave nawo kuti tawana munhu mukuru asingatye hautsanangurike.

Takadzokera uye tikadarika panzvimbo yatakanga taona zvinotyisa pasina kana chinhu. Chakanga chativhundutsa mashizha erimwe gwenzi aipota achifambiswa nemhepo. Takadarika panzvimbo yaityisa tazara manyemwe nekuti takanga tave kuvimba nemuzukuru wedu akanga asingatye rima kunge isu.

Newewo wakaropafadzwa kana uchinzi VimbainaShe kwete Vimbai chete. VimbainaShe izita rinotaura kuti vakatumidza zita iroro vakanga vasiri kungovimba nezvese-zvese, asi vakanga vachivimba naiye Jehovha musiki pachake.

Saka iwe unovimba nei? Zvizhinji zvatinogona kuvimba nazvo muhupenyu hwedu. Tinogona kuvimba neruzivo rwedu rwunobva kwatakadziidza nezvatakadzidziswa ikoko. Tinogona kuvimba nenyika yatinogara.

Vamwe ndivo vanovimba nekuti vane hukama nevanhu vakuru vane simba, mari nemukurumbira. Mumwe zvake zviri kufamba nekuti anodiwa nashefu. Mumwe mwana waMinister. Mumwe musikana wemuporofita.

Mari inopa kuti vanhu vavimbe nayo nekuti inotenga zvaunoda zvese panyika. Asi mari haitenge denga kana rugare. Denga nderaMwari, uye rugare rwunobva mukuvimba naMwari.

Chinzvimbo chako sashefu kana semwana washefu hachishande pazvinhu zvaMwari nekuti hushefu hunofambirana nekuzvikudza nekunamatwa, asi Mwari vanoti tisave nevamwe vamwari kunze kwavo.

David aivimba naMwari chete. Paul aivimba nesimba raMweya Mutsvene. Ko iwewe semunhu uri kuvimba nei? Hanzvadzi yangu iri kuvimba nebasa rainoshanda. Vazhinji vedu, kunyanya vari kuwana mari zhinji nenzira kwadzo kana dzisiri kwadzo, vari kuvimba nemari.

Ngativimbe naMwari vanopa zvipo, vana, njere, dzidzo nemabasa, asi ngatirege kuvimba nezvinhu izvozvo. Ngativimbe naMwari kwete nehuTsuro Magen’a.

Share This:

Sponsored Links