Uncategorized

‘Handi yose minana yechokwadi’

01 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Malven Mugadzikwa —
MUKURU weimwe chechi iri muHarare anoti zvakakosha kuti makereke arangarire vanhu vanotambura nevanenge vawirwa nematambudziko kuburikidza nekuvapa rubatsiro.

Apostle Munashe Chikaka – avo vanotungamirira chechi yeBaptism of Fire Ministries International – vanotaura mashoko aya mushure mekuburitsa bhuku ravo rechitatu rinonzi Prevailing Prayer.

Vanoti bhuku iri rinopa dzidziso kuvanamati neveruzhinji pamusoro pekukosha kwekunamata uye kuti vanhu vasamhanyira kutsvaga rubatsiro mumachechi chete asi vanamate nemoyo wose.

“Kushanda kwechechi pachokwadi kunoonekwa nezvinhu zvakasiyana-siyana asi chikuru ndechekuti machechi aite zvinhu zviri pachena, zvisina mibvunzo yakawanda kune veruzhinji. Izvi zvinosanganisira kupa vanhu dzidziso kuburikidza nezvinyorwa pamwe nemharidzo dzinobva muBhaibheri.

“Kubatsira chaiko vanotambudzika nevanenge vawirwa nematambudziko ndeimwe nzira inoratidza kubata kwaMwari pachinamato,” vanodaro.

Apostle Chikaka vanoti chechi yavo inombopawo rubatsiro kuvanhu vakasiyana-siyana.

“Tine vamwe veruzhinji vatakapa rubatsiro, kusanganisira kuendesa kuzvikoro. Pari zvino takaunganidza zvipfeko pamwe nechikafu izvo zvatinoda kupa kune vanoshaya nevari kudawo rubatsiro rwekuenda kuchikoro,” vanodaro.

Apostle Chikaka vanoti mubhuku ravo idzva vanokurudzira veruzhinji kuti vasaenda kumachechi kunotsvaga minana asi kuti vatore munamato senzira yekutanga kuzviisa pedyo naMwari.

“Tinozviziva kuti minana ndiyo imwe nzira huru yekuratidza huvepo hwaMwari kuvanamati asi mazuva ano veruzhinji vava kubatwa kumeso nenyaya dzekunyanya kuda minana kudarika Mwari. Vamwewo ndivo vari kuenda kumachechi kunotsvaga mafuta anonzi akazodzwa kana mvura dzakazodzwa izvo zvave kuita kuti mamwe maporofita nevakuru vemachechi vatore mukana wekunyepera vanhu, vamwe vachipedzisira vabata mabasa akaipa nekuda kufadza veruzhinji,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey