‘Handichada, ndaneta neSatanism’

28 Jul, 2022 - 16:07 0 Views
‘Handichada, ndaneta neSatanism’ Patience Masenda

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUSIKANA ane makore 19 okuberekwa anogara muguta reHarare — asi kumusha achibva kwaKarimazondo kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa — ari kubuda pachena kuti musatanist, achiti akapinzwa muchitendero ichi nemumwe mudzidzisi achiri kuchikoro.

Anoti izvi zvakatanga mugore ra2015 ari muGrade 6 apo aigara naambuya vake kuSunningdale, muHarare sezvo achiti amai vake vakamusiya aine gore nechidimbu rekuberekwa vachienda kumabasa.

Patience Masenda (19) anoti pane mumwe mudzidzisi uyo aipota achimutuma kunotora mabhuku kumba kwake uko akazotanga kumubvisa mbatya achisara ari musvo.

“Zuva rekutanga, ticha ava vakandishevedza kustore-room kwavaiva voga ndokubva vavhara dhoo. Vakandibvisa hembe dzose vachibva vatanga kundibata-bata ukuwo vachindinanzva muviri wose.

“Ndakachema asi hapana akandinzwa, vakazondivhundutsira kuti ndisawane wandinoudza,” anodaro Masenda.

Anoti mudzidzisi uyu akaramba achimudaro pose paaimushevedza kumba kwake.

“Mudzidzisi uyu akaramba achindidaro kusvikira ndapedza Grade 7 ndichitya kutaurira vamwe vanhu, kusanganisira naambuya. Dzimwe nguva vainditora nemotokari yavo vachienda kunoita izvozvi kure. Ndakazobvunza vamwe vakanditi apa ndaitopinzwa satanism naticha ava,” anodaro.

Anoti ava kusekondari, mudzidzisi uyu akaramba achimutevera achimutora nemotokari yake uye achienda naye kumba kwake uko aienderera mberi nekumunanzva.

“Vakaramba vachindishandisa ndava kusekondari kubvira Form 1 kusvika Form 3. Ndakazoita chivindi ndikaenda kumapurisa ekuStodart avo vakazondiperekedza kumba kwaticha ava asi vakaramba nyaya iyi.”

Masenda anoti nekuda kwedambudziko iri, akazotorwa neveMusasa Project vakambogara naye kwemwedzi mitatu pashure ndokuzobvako.

“Kubva pandakatanga kunanzwa naticha ava, ndakatanga kuondoroka nekugara ndichirwadziwa nemudumbu ndichienda kunguva yangu zvisingagumi uyewo handichakwanisa kudya zvakanaka.

“Ndakambonogara kuKadoma ticha ava vakaramba vachiuya kuhope kwangu vachinditi ndidzoke kuno kuHarare,” anodaro.

Anoti haana kumbobvira akasangana nemukomana asi svondo rakapera akazozvara chinhu chinenge datya kana kuti hura apo aiva kunguva yake.

Chinhu chinonzi chakazvarwa naPatience Masenda. —Mifananidzo  naEdward Zvemisha

Chinhu chinonzi chakazvarwa naPatience Masenda. —Mifananidzo
naEdward Zvemisha

“Musi weSvondo wakadarika, ndakanzwa kurwadziwa nemudumbu zvakasimba ndichibva ndabuda chinyama chinenge datya kana kunge hura. Ndakashaya kuziva kuti chii asi vanotsanangura vari kuti imhiko dzesatanism.”

Masenda anoti ari kufamba nehama dzake kuti akwanise kubatsirwa padambudziko iri.

“Anoti chinomushamisa ndechekuti aisava nepamuviri paakabuda chinyama ichi.

“Amai vangu vanonzi Thelma Yeukai Makasi, vakaenda kuSouth Africa kare uyewo baba vangu, Mako Masenda, vakashaika mugore ra2015. Saka hapana chaiye anondibatsira kubuda mudambudziko resatanism iri.

“Izvozvi ndine mumwe mukadzi wekunyika yeAustralia anonditumira magirosari nekundibhadharira mari yerendi ari muchikwata chedu chesatanism,” anodaro Masenda.

Asst Comm Paul Nyathi

Anoti kune misangano yesatanism inoitirwa mumaAvenues, muguta reHarare uko anomboendawo mamwe mazuva. Zvichakadai, mutauriri wemapurisa munyika — Assistant Commissioner Paul Nyathi — pavabvunzwa nezvenyaya iyi vati vanoda nguva yekutsvaga mafambiro ayakaita.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey