Uncategorized

‘Handiende!’…Saimba orambira ku‘small-house’

19 Jul, 2019 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Milcah Nhakura
MUDZIMAI anove shirikadzi wekuWarren Park, muHarare, anoti ari kudemba kudanana kwaakaita nemumwe murume uyo waari kupomera kuparadza upfumi hwaakashandira nemurume wake achiri mupenyu.

Sarah Chidumai akamhan’arira chikomba chake — icho chakangozivikanwa kuburikidza nekambani yacho inonzi S.L.P Office — kudare reHarare Civil Court.

“Changamire, murume uyu haagone kugara neni zvakanaka mumba mangu uye haadi kutsiurwa. Ndinomuudzawo kuti abate midziyo yangu zvakanaka sezvo ndakaitenga nemurume wangu asati ashaya. Akambotora motokari yangu achienda kurufu rwehama yake akaita tsaona nayo asi haana kuda kundiudza, akaiendesa kubasa kwake uko akangonoikanda.

“Ndaiti ndikamubvunza aindituka zvakanyanya achiti haadi kutongwa nemukadzi kusvika ndazoona motokari yangu yakaparara iri kubasa kwake,” mukadzi uyu anoudza mutori wedare iri, Tafadzwa Miti.

Chidumai anoti chikomba chake ichi chakabonderesa zvakare rori racho rekubasa pachidziro chemba yake.

“Mumwezve musi akauya nerori rekubasa kwake kumba ndokurovera pakona yemba yangu zvekuti yakabva rategeduka zvinova zvinondibaya mwoyo. Chinondirwadza ndechekuti haatsiurike, ndikada kutaura naye anotanga kundituka nekundirova.

“Chikumbiro changu kudare ndechekuti adzokere kumba kwake,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Haasati akambondiendesawo kumba kwake kana kundiratidzawo kuhama dzake, anongoti kumba kwangu kune nyaya hombe, imba yangu inonetsa. Ndinokumbira anogadzirisa nyaya dzemba yake nenhaka yevana vake.

“Akandityisidzira achiti ukangoman’ara ndinokuuraya saka ndava kutya zvikuru.”

Achipawo divi rake, murume uyu anoti zvimwe zviri kutaurwa naChidumai manyepo.

“Zvimwe zvaataura ndezvekunyepa, haatendi.

‘‘Ndinomubatsira mabasa emumba, kumubikira iye akarara nekugadzirira vana vake maranjibhokisi asi nhasi ondidaro? Asi sezvo ari kuda kuti ndibude, ndichabuda.”

Mutongi Miti akapa Chidumai gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>