Handigare mudondo: Hweva… ‘. . . ndinochena zvisingaite’ ‘. . . ndinotoenda kuchechi’

01 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Handigare mudondo: Hweva… ‘. . . ndinochena zvisingaite’ ‘. . . ndinotoenda kuchechi’ Lovewell “Hwevamatunhu” Chisango

Kwayedza

Abel Ndooka
SHASHA yemadhirama — Lovewell Chisango — uyo vazhinji vanoziva saHwevamatunhu kubva padhirama rinonzi Mawoko Matema, anoti kuti asvike paave inyaya yekushanda nesimba uye anoona achikwana pachinzvimbo chose-chose panyaya dzekuekita.

Mudhirama Mawoko Matema, Chisango anobuda ari murume anogara musango zvichitevera kudzingwa kwaakaitwa basa muhurumende mushure mekunge aba.

Haakwanise kudzokera kumusha kwake nekuti kune matambudziko eko ayo aasingade kunosangana nawo.

Vamwe vachiona Chisango achibuda padhirama iri, vanogona kufunga kuti pamwe muupenyu hwake ndizvo zvaari.

Asi Chisango anoti ndibaba vemhuri uye munhu anoenda kuchechi achitungamira kwaya yekuchechi kwavo kuMethodist Church in Zimbabwe.

“Ini ndinokoshesa basa rangu zvekuti ndinokwana pese — pamadhirama. Ndinodzidza zvikuru nezvechinzvimbo chandinenge ndapihwa naproducer.

“Asi hazvireve kuti ndinogara musango nekuti ini ndiri munhu akasvika uye ndinochena pakupfeka ndichienda kukereke.

“Chandinenge ndichiburitsa zvinhu zviri kuitika kune vamwe vanhu muupenyu hwatinorarama,” anodaro.

Chisango akazvarwa mugore ra1952 kuMarondera uye achikura akatanga kuita zvemadhirama muna1964 achiri kuchikoro chepuraimari.

Akadzidza puraimari pazvikoro zvinoti Mureverwi, chiri kwaChihota nekuSir Humphery Gipps, kuHwange.

Sekondari akadzidza paChegwani iyo yave kunzi Chekwani High School, kuPlumtree.

Mushure mekupedza fundo yesekondari, Chisango akanodzidzira kosi yehurairidzi ndokuzoshanda muzvikoro zvinoti Pachivake Primary, kwaChihota, Hatidane Primary iri kuGoromonzi nepaManyaira Primary yekwaChihota zvakare.

Mugore ra1977, ndipo akazowana mukana mukuru apo akatanga kuita madhirama eparedhiyo.

Murume uyu akwanisa kubuda pamadhirama anopfura 20 uye mafirimu maviri anoti Something Nice from London neRunaway Bride.

Kunyangwe zvazvo indastiri yemadhirama nemafirimu yemuZimbabwe ichiri yakadzikira, Chisango anoti vari kusimukira ngavasaore mwoyo nekuti — zviuya zviri mberi — zvinhu zvichanaka mune ramangwana.

“Vanoita zvemadhirama ngavasafunge kuti vakabuda padhirama rimwe chete votoona zvinhu zvatoshanduka, ngavazvipe nguva yekudzidza.

“Basa iri rinoda kuti mudzidze uye muzvipe nguva,” anodaro.

Kana asiri kuita zvemadhirama, Chisango anenge ari kuchechi achirairidza kwaya yeMethodist uye ari muboka rinosarudza chikwata chinenge chagona kuimba mumakwikwi akasiyana.

Anotizve kana vanhu vakamuona mumugwagwa vakamushevedza nezita rekuti Hwevamatunhu, zvinoratidza kuti vari kuyemura basa rake izvo zvinomufadza chaizvo.

“Ndinotofara kana vanhu vakandishevedza kuti Hweva. Zvinorakidza kuti vari kuyemura basa rangu,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links