‘Handikotsire kana ndisina kudhakwa’

27 Dec, 2019 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Nyasha Bvudzijena

MURUME anogara kuHopley, muHarare — uyo anonzi anorarisa mudzimai wake nevana panze husiku hwose vasina chekufuga — anoti haagone kurega kunwa doro sezvo asingakwanise kuwana hope kana asina kudhakwa.

Nathanel Chikumira akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekumhan’arirwa nemudzimai wake, Emmaculate Nandone, achimupomera mhosva yekumurova uye kumutuka pamberi pevana nevavakidzani.

Nandone anoti murume wake ane marambadoro izvo zvinoita kuti vagare vachinetsana. Mutongi Noah Gwatidzo akapa Nandone gwaro rinomudzivirira.

“Murume uyu handizive kuti ndoita sei naye sezvo achindirova nekundituka pose paanouya kumba achibva kubhawa.

Akada anondirarisa panze nevana tisina kana chekufuga,” anodaro Nandone.

Chikumira anoti haapokane nechikumbiro chaNandone uye doro ndiro rinomukonzera kuti asagare zvakanaka nemhuri yake.

“Changamire, dambudziko rangu handichatogone kurara ndisina kunwa doro, saka ndozopedzisira ndava kunetsana nemhuri nekuti ndinenge ndakadhakwa.

Asi vose ndinovada hangu, zvinhu zvinozongoitikawo,” anodaro Chikumira.

Anoti haafunge kuti anokwanisa kurega kunwa doro zvachose asi chaangagona kudzikisa manwiro ake chete.

Share This:

Sponsored Links