Uncategorized

‘Handina vana vanochengetwa kumaraini’

14 Jul, 2017 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
MURUME wekudhonzerwa kudare nemudzimai wake achinzi anogara achimurova pamwe nekumutukidzira anoti chinomurwadza ndechekuti mudzimai uyu akaendesa vana vake kumusha kuti vanogara nevabereki vake zvisina mvumo yake.

Taka Gumbo akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa naRumbidzai Ziwawa.

Ziwawa anoudza dare kuti haana rugare nekugara achirohwa nekutukwa naGumbo.

“Ndinoda kuti murume wangu amiswe kundirova nekundituka pasina zvandaita uye ngaaregedze kuudza muridzi wepamba patinogara zvose zvinenge zvanetsa. Tikangonetsana chete kunyangwe nekuda kwechinhu chidiki, anomhanya kunoudza muridzi wemba. Zvino ndava kushaya chimiro pane vamwe vakadzi ndichinzi handigone kuchengeta murume wangu,” anodaro Ziwawa.

Gumbo achibvunzwa namutongi Amanda Muridzo kuti anopokana here nechikumbiro chemudzimai wake, anoti haaone paine chakaipa asi kuti iye anenge achida vana vake vari kumusha kwaZiwawa kwavanogara naamai vake.

“Chikumbiro chaunzwa kudare handipokane nacho asi ndinenge ndichida kugara nevana vangu, ndikati nditaure izvozvo ndipo panobva patanga bopoto.

“Vana vangu vari kugara kumusha kwake vachichengetwa naamai vake asi ini ndiripo. Ndakamboti asaende navo asi haaterere, apa anoti akanovasiya ikoko zvinova zvinhu zvandisangade,” anodaro Gumbo.

Anoenderera mberi achiti chaanoda kuti Ziwawa abvise vana vake kumusha kwaakavaendesa vauye kuzogara kumba kwake.

“Akangounza vana vangu kumba chete hatimbonetsane, handina vana vanochengetwa kumaraini ini ndiripo,” anodaro.

Achipindurawo, Ziwawa anoti magariro avo ndiwo anoita kuti aendese vana vavo vaviri kumusha nekuti vakura uye vanoshandisa kamuri yemba imwe chete mudhorobha mavanogara.

“Magariro atakaita ndiwo anoita kuti ndisiye vana naamai vangu nekuti tinoshandisa imba imwe chete apa vana vacho vakura, mumwe ane 13 uye mumwe aine 5. Saka pekurara hapana uye tese tinoswera kubasa nekudaro vakadzoka kubva kuchikoro vanosvika pasina munhu zvinova zvinhu zvinondityisa,” anodaro.

Mutongi Muridzo akapa Ziwawa gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links