Muchaneta Chimuka
MUDZIDZISI wepaMazowe Citrus Secondary School, kuMazowe — uyo anofundisa zvidzidzo zvekurima — oita zvinorova nekurima howa, kupfuva nyuchi nehove izvo zvaona achibudirira zvakanyanya muhupenyu hwake.
“Ndakatoona kuti kumirira mari yepeyi hakubatsiri chinhu nekuti unogara uri munhu wekudemba nguva nenguva. Ndakasarudza kuita mabhindauko pandinogara zvichibatsirawo vana vechikoro vanoita zvidzidzo zvekurima. Ndinobatsiranawo nenharaunda, vangava varimi vadiki kana vakuru neruzivo.
“Ndinovaitisa zvidzidzo zvepamasaisai (online training) asi vamwe vanotouya ndichivadzidzisa zvichivabatsira kuti vawane kurarama nenzira yakareruka. Ini ndinogadzira mari kuhowa, kuhove nekuhuchi zvekuti pasvondo ndinowana US$90 uye pamwedzi ndinowana US$360 purofiti,” vanodaro VaAnderson Chibatauta.
Vanoti vakatotenga motokari mbiri dzinoti Ford Ranger neRenalt Cleo uye vari kutovakisa imba yavo muGlendale.
“Howa inyama isina mabhonzo saka hwakareruka kudyiwa nemunhu wese, vakwegura kana pwere. Vamwe vanohuwomesa kuita mufushwa asi vamwe vanofarira kuhudya huri hunyoro,” vanodaro.
VaChibatauta vanoenderera mberi vachiti: “Munhu wose anogona kurima howa kunyangwe vari mumaguta vanokwanisa kuhurimira mubhaketi rakaboorwa rine manyowa emashanga ezvirimwa nembeu dzehowa nezvimwe zvinodiwa. Vamwe vanohurimira mumasaga votoisa mumba nekuti hahudi zuva, hunoda nharaunda ine mwando unotonhorera.
“Tinogadzirira varimi vedu mabhaketi tovapa voisa mumba vatotanga kukohwa howa zuva nezuva. Hazvibatsiri kuswera uchichema kana kushora Hurumende nekuda kwekuti iwe haudi kushandisa maoko ako kuti uite mari sezvandiri kuita.”
Vanoti mudzimai nevana vavo ndivo vari kunyanya kuona nezvemabhindauko ekurima howa ivo vachiita zvenyuchi.
“Chishuviro changu ndechekuti ndiwanewo purazi rekuitira mabhindauko aya nekuti pari zvino ndiri kuitira pachikoro pane nzvimbo yakamanikana. Ndiri kushanda nevarimi vemunharaunda vane mapurazi akakura ndichivapawo mimwe mikoko yangu ivo vachizondipawo chikamu chehuchi hwavanozobura.
“Tinoda kuti nyika yedu yeZimbabwe ive nechikafu chakakwana tisaramba tichipona nekutenga zvinhu zvatinogona kurima muno kune dzimwe nyika. Kana varimi vehowa, huchi, hove nezvimwe zvirimwa vakawanda, zvinobatsira zvekare kuti mitengo yezvinhu iderere munyika,” vanodaro.