Uncategorized

‘Handipenge, $200 000 yangu ndakaifushira’

23 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
‘Handipenge, $200 000  yangu ndakaifushira’ Innocent Chakanyuka achiratidza pavharanda paanoti akafushira US$200 000

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME anogara mumusha weKuwadzana 7, muHarare — uyo ari kuti akacherera mari inosvika US$200 000 pavharanda remba yevabereki vake iro ari kuda kutiginura kuti aitore —anoti hapana chaati awana sezvo amai vake nedzimwe hama vari kumurambidza kufukunura panzvimbo yaanoti akachengetera mari iyi.

Nyaya yaInnocent Chakanyuka (35) —uyo anoti akafushira US$200 000 pava neveranda remba yevabereki vake iyo akawana paainge achaita basa rechikorokoza kuRaffingora makore adarika — yakabuda kekutanga mubepanhau reKwayedza nguva pfupi yadarika.

Innocent anoti akacherera mari iyi aine aimbova mudzimai wake uyo waakazorambana naye pamwe chete neshamwari dzake idzo dziri kutsinhira kuti akafushira mari iyi pavharanda.

Anoti akatanga aboora kongireti yehuriri hwemba iyi nejack hammer, ndokuviga mari iyi apo akazovhara “pfimbi” yeke nesimende.

Innocent anoti kusvika pari zvino, hapana chati chafamba kubva pakabuda nyaya iyi muKwayedza achiti amai vake, Mbuya Maudy Chakanyuka (70), nedzimwe hama dzake havasi kugutsikana kuti akacherera mari pavharanda remba, nokudaro vari kumudzivisa kutiginura imba.

“Ndakangomirira kuti ndiwane vachaitawo kuti ndibatsirwe kuti ndikwanise kufukunura mari yangu nekuti iye zvino ndiri kudya nhoko dzezvironda. Amai vangu nedzimwe hama vanoti ndiri kupenga. Asi mufunge amai vangu, vose nababa vachiri vapenyu ndakavapa US$20 000 vakagovana – mari yekupedzisa imba yavo iyi US$15 000 ndikaichengetesa kuna sisi avo vakazovapa. Zvino nhasi havachada kundibatsira,” anodaro.

Mbuya Chakanyuka vanoti hapana chinosanduka panyaya iyi, uye havangarege mwana wavo achitiginura imba yavo nekuda kwemashoko ake ekuti akacherera mari yake pasi pemba yavo.

“Inyaya imwe chete yekuti mwana wangu uyu anotora zvinodhaka zvinosanganisira mbanje nezvimwe. Mapurisa vari kuziva nyaya iyi, vanogara vachimutora uye takamboenda naye kunotariswa namachiremba akanzi haapenge asi kuti kudhakwa,” vanodaro.

Baba vaInnocent, VaRodrick Chakanyuka, vakashaika.

Christopher Musana (40), uyo anove muzukuru waInnocent, anotsinhira kuti sekuru vake vakamboita mari yakawanda zvikuru iyo yakazongopera zvisinganzwisisike.

“Sekuru Innocent vakamboita mari zvikuru izvo zvaizivikanwa nehama dzavo, asi hamheno kuti yakapera sei. Zvekuti vakacherera mari pavharanda remba yavo handingatsinhire. Pano tinogara tichivarova vachida kutiginura vharanda remba tichityira kuti vanoparadza imba,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links