Uncategorized

‘Handirarame pasina pairesi’

14 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
‘Handirarame pasina pairesi’ Admire Sibanda

Kwayedza

neMunyori weKwayedza
MUIMBI wechidiki achiri kusimukira wemusambo wechitendero anoti kunyangwe zvazvo vamwe vaimbi vachichema-chema nenyaya yepairesi vachiti iri kuvarozva simba ravo, iye anoona seyakanaka zvikuru sezvo ichiita kuti mhanzi yake ishambadzwe.

Admire Sibanda (25) — uyo achangobva kubura dambarefu rake rechipiri rinonzi Testimony — anoti haana hanya nevanotengesa mhanzi yake pamusika wemukoto uye anotovatenda zvikuru nekuda kwekuti vanoshambadza basa rake.

“Vanoita zvepairesi ishamwari dzedu huru nekuti kana vasipo hatirarame. Ukaona basa rako richibikwa nekutengeswa pamusika wemukoto zvinoreva kuti uri kuita zvikukutu nekuti hakuna munhu angangoba chinhu chakaipa.

“Vanofunga kuti vanotiworora nyambisirwa vanenge vachitobatsira kushambadzira basa redu,” anodaro Sibanda.

Dambarefu rake idzva iri rine nziyo shanu dzinoti Mweya Inotevera Ropa, Ndini Mhepo, Handina Sirivheri, Dzingori Nyasha naTestimony.

“Mukambo Tesimony ndinenge ndichipupura kunaka kwaMwari muupenyu hwangu pane zvese zvaanondiitira. Upenyu chero hukarwadza sei ndinoramba ndakangobatira pamupendero wenguwo yaJehovha.

“Ndinoziva kune vazhinji vakatorasa tariro munaMwari nekuda kwematambudziko enyika asi ini ndakazviramba nekuti Jehovha mukuru,” anodaro.

Sibanda anoti achange achipemberera bhavhudheyi rake rekusvitsa makore 26 okuberekwa nemusi wa15 Chikumi apo achaparura dambarefu rake iri zvakare.

Muchinda uyu anoti dambudziko riri kumudzorera kumashure nderekudhura kwemidziyo yekushandisa sezvo mizhinji yacho ichida mari yekunze kunova kwavanoitenga zvakare.

Kunze kwezvemimhanzi, Sibanda anoita mamwe mabhindauko akadai sekudhinda zvipfeko zvakasiyana nekushambadza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey